Online Bible

- Reklamy -

Johane 19:24 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

24 Vakataurirana vakati, “Ngatiregei kuibvarura. Ngatikandei mujenya tione kuti ndiani achaitora.” Izvi zvakaitika kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Vakagovana nguo yangu pakati pavo uye vakakanda mijenya pamusoro pechipfeko changu.” Saka izvi ndizvo zvakaitwa navarwi.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

24 Ɀino ʋakataurirana, ʋaciti: ŋgatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamsoro payo, tiʋone kuti icaʋa yani; kuti Rugwaro ruitike, runoti: Ʋakagoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo, Ʋakakanda mijenya pamsoro pecokufuka caŋgu. Ndiɀo ɀakaitwa naʋarwi.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

24 Zvino vakataurirana, vachiti, “Ngatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamusoro payo, tione kuti ichava yaani;” kuti Rugwaro ruitike, runoti, “Vakagovana nguo dzangu pakati pavo, Vakakanda mijenya pamusoro pechokufuka changu.” Ndizvo zvakaitwa navarwi.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

24 Nezvo vakataurirana vachiti, “Ngatiregei kuibvarura asi ngatiitirei chin'ange tione kuti ichava yaani.” Izvi zvakaitika kuti Magwaro Matsvene azadziswe anoti, “Vakagovana hanzu dzangu pakati pavo; zvipfeko zvangu vakazviitira chin'ange.” Saka izvi ndizvo zvakaitwa namasoja.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Johane 19:24

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy