Johane 15:4 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi4 Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki zvibereko kunze kwokunge magara mandiri. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)4 Garai mandiri, neni mamuri. Seɗaʋi risiŋgagoni kuɓereka ɀiɓereko roga, kana risiŋgagari mumuzambiriŋga; saiɀoɀo nemi ʋo, kana musiŋgagari mandiri. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20024 Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka michero roga, kana risingagari mumudzambiringa; saizvozvo nemiwo, kana musingagari mandiri. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika4 Garai mandiri neniwo ndichigara mamuri. Bazi zvarisingakwanisi kubereka muchero nokwaro roga risina kubatanidzwa nomugirepisi ndizvozvowo zvinemi hamukwanisi kubereka muchero kana musiri mandiri. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona4 Garai mandiri neniwo ndichigara mamuri. Bazi zvarisingakwanisi kubereka muchero nokwaro roga risina kubatanidzwa nomugirepisi ndizvozvowo zvinemi hamukwanisi kubereka muchero kana musiri mandiri. Viz kapitola |