Johane 12:6 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi6 Haana kureva izvi nokuda kwokuti aiva nehanya navarombo, asi nokuti aiva mbavha; sezvo akanga ari mubati wehomwe, aimboba zvainge zvaiswa muhomwe yacho. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)6 Asi haana‐kureʋa iɀoɀo kuri kuti wakaraŋgarira ʋarombo, asi nokuti waiʋa mbava; waigara necikwama, acisiɓa ɀaiiswa’mo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20026 Asi haana kureva izvozvo kuri kuti akarangarira varombo, asi nokuti aiva mbavha; aigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika6 Akataura izvi kwete pamusana pokuti aiva nehanya navarombo asi pamusana pokuti aiva mbavha. Sezvaakanga ari iye sahomwe aipota achitorawo imwe. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona6 Akataura izvi kwete pamusana pokuti aiva nehanya navarombo asi pamusana pokuti aiva mbavha. Sezvaakanga ari iye sahomwe aipota achitorawo imwe. Viz kapitola |