Online Bible

- Reklamy -

Isaya 9:7 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

7 Kukura kwoumambo hwake nekworugare rwake hazvizovi namagumo. Achatonga pachigaro choushe chaDhavhidhi napamusoro poumambo hwake, achihusimbisa nokuhutsigira, nokururamisira uye nokururama, kubva panguva iyoyo kusvikira nokusingaperi. Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose kuchazviita.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

7 Kukura kwoʋumambo bgake nokworugare haɀinamugumo, agare pacigaro coʋushe caDavidi napaʋushe bgake, aʋusimbise aʋutsigire nokururamisira nokururama kubva ɀino kuȿikira paŋguʋa isiŋgaperi. Kushiŋgaira kwaJehova wehondo kucaɀiita.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

7 Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, agare pachigaro choushe chaDhavhidhi napaushe hwake, ahusimbise ahutsigire nokururamisira nokururama kubva zvino kusvikira panguva isingaperi. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

7 Umambo hwake hucharamba huchingoenderera mberi huine rugare rusina mugumo ari pachigaro chaDhavhidhi paumambo hwake kuti hudzike midzi nokuhutsigisa noruenzaniso noururami kubvira zvino kusvikira narini wose. Tenzi wehondo nehondo neshungu dzake achatozviita izvozvo.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Isaya 9:7

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy