Isaya 65:1 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi1 “Ndakazviratidza kuna avo vasina kundibvunza; ndakawanikwa neavo vasina kunditsvaka. Kurudzi rwakanga rusina kudana kuzita rangu ndakati, ‘Ndiri pano, ndiri pano.’ Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Ndakatendera kuti nditȿakwe naʋasina‐kundibvunza, ndakatendera kuti ndiwanikwe naʋasina‐kunditȿaka; ndakati kurudzi rwakaŋga rusiŋgatumidzwi nezita raŋgu: Tarirai ndini, tarirai ndini. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20021 Ndakatendera kuti nditsvakwe navasina kundibvunza, ndakatendera kuti ndiwanikwe navasina kunditsvaka; ndakati kurudzi rwakanga rusingatumidzwi nezita rangu, “Tarirai ndini, tarirai ndini.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 “Ndakanga ndakatomirira kuti nditsvakwe navanhu vasina kundibvunza. Ndakanga ndakamirira ini kuti vanhu vandiwane asi pakanga pasina. Ini ndaiti, ‘Ndiri pano, ndiri pano,’ kurudzi rusingambodaidza zvarwo zita rangu, Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona1 “Ndakanga ndakatomirira kuti nditsvakwe navanhu vasina kundibvunza. Ndakanga ndakamirira ini kuti vanhu vandiwane asi pakanga pasina. Ini ndaiti, ‘Ndiri pano, ndiri pano,’ kurudzi rusingambodaidza zvarwo zita rangu, Viz kapitola |