Isaya 60:9 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 Zvirokwazvo zviwi zvinotarira kwandiri; zvikepe zveTashishi zvinotungamira zvichiuya navanakomana venyu vari kubva kure, nesirivha yavo negoridhe, kuzokudza Jehovha Mwari wako, iye Mutsvene waIsraeri, nokuti akakushongedza nokubwinya. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 Ɀirokwaɀo, ɀiwi ɀicandimirira, neɀikepe ɀeTarshishi ɀicatuŋgamira ɀiciʋuya naʋanakomana ʋako ʋanobva kure, ʋaciʋuya nesirveri yaʋo nendarama yaʋo kuɀiisa kuzita raJehova Mŋari wako, nokunoMutȿene waIsraeri, nokuti ndiye wakakushoŋgedza. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20029 Zvirokwazvo, zvivi zvichandimirira, nezvikepe zveTarishishi zvichatungamira zvichiuya navanakomana vako vanobva kure, vachiuya nesirivha yavo nendarama yavo kuzviisa kuzita raJehovha Mwari wako, nokunoMutsvene waIsiraeri, nokuti ndiye wakakushongedza. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 Ndinodaro nokuti nyika dzokumahombekombe kwegungwa uku dzichandishandira, kutanga nengarava dzokuTashishi dzichiuya navana vako dzichibva navo kure kure vakatakura sirivha yavo nendarama zvokurumbidza nazvo zita raTenzi, Mwari wako, iye Anoera weIsiraeri nokuti akakupa mukurumbira. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona9 Ndinodaro nokuti nyika dzokumahombekombe kwegungwa uku dzichandishandira, kutanga nengarava dzokuTashishi dzichiuya navana vako dzichibva navo kure kure vakatakura sirivha yavo nendarama zvokurumbidza nazvo zita raTenzi, Mwari wako, iye Anoera weIsiraeri nokuti akakupa mukurumbira. Viz kapitola |