Isaya 60:2 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi2 Tarira, rima rakafukidza nyika uye rima guru riri pamusoro pavanhu, asi Jehovha anobuda pamusoro pako uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)2 Nokuti, tarira, rima ricafukidza nyika, nerima guru marudzi aʋanhu; asi Jehova ucaɓuɗa pamsoro pako, kubginya kwake kucaʋonekwa pamsoro pako. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20022 Nokuti, tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha achabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika2 nokuti tarisa uone nyika ichanzi kwidiba nerima, vanhu vachanzi nezarima gude gude. Asi pauri Tenzi achanyatsoti ngwe-e, mbiri yake ichaonekwa pauri. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona2 nokuti tarisa uone nyika ichanzi kwidiba nerima, vanhu vachanzi nezarima gude gude. Asi pauri Tenzi achanyatsoti ngwe-e, mbiri yake ichaonekwa pauri. Viz kapitola |