Isaya 30:22 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi22 Ipapo muchasvibisa zvifananidzo zvenyu zvakafukidzwa nesirivha nezviumbwa zvenyu zvakafukidzwa negoridhe; muchazvirasira kure somucheka wakasvibiswa neropa romukadzi ari kumwedzi kwake muchiti kwazviri, “Ibvai pano!” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)22 Mucashatsa sirveri yakafukidza mifananidzo yenyu yakaʋezwa, nendarama yakanamirwa pamifananidzo yenyu yakaʋumbga; ucairashira kure secinhu cakashata; ucati kwaciri: Ibva pano. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200222 Muchashatisa sirivha yakafukidza mifananidzo yenyu yakavezwa, nendarama yakanamirwa pamifananidzo yenyu yakaumbwa; uchairashira kure sechinhu chakashata; uchati kwachiri, “Ibva pano.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika22 Muchaona sezvinhu zvakan'ora zvifananidzo zvokunamata zvakanamirirwa nesirivha yako nezvifananidzo zvokunamata zvoutare hwakanyungurutswa zvakanamirirwa nendarama yako. Muchazvirasa serengenya rine tsvina muchiti, “Ngazvitibvire.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona22 Muchaona sezvinhu zvakan'ora zvifananidzo zvokunamata zvakanamirirwa nesirivha yako nezvifananidzo zvokunamata zvoutare hwakanyungurutswa zvakanamirirwa nendarama yako. Muchazvirasa serengenya rine tsvina muchiti, “Ngazvitibvire.” Viz kapitola |