Isaya 30:16 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi16 Imi makati, ‘Kwete, tichatiza takatasva mabhiza.’ Naizvozvo muchatiza! Imi makati, ‘Tichatasva mabhiza anomhanya kwazvo.’ Naizvozvo vadzinganisi venyu vachamhanya kwazvo! Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)16 mukati: Kwete, ticatiza takataȿa mabiza; saka mucatiza ɀenyu; ʋuye ɀe: Ticataȿa mabiza anomhanyisa; saka ʋanodziŋgana nemi ʋacamhanyisa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200216 mukati, “Kwete, tichatiza takatasva mabhiza;” saka muchatiza zvenyu; uyezve, “Tichatasva mabhiza anomhanyisa;” saka vanodzingana nemi vachamhanyisa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika16 asi chamunototaura ndechokuti, “Aiwa, nokuti tichamhanyisa kwazvo tiri pamabhiza,” Saizvozvo muchamhanya chaizvo. Uye munoti, “Tichati karakata kutasva pamabhiza emikono anoribiduka kumhanya,” saizvozvo mucharondwa navanomhanya chaizvo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona16 asi chamunototaura ndechokuti, “Aiwa, nokuti tichamhanyisa kwazvo tiri pamabhiza,” Saizvozvo muchamhanya chaizvo. Uye munoti, “Tichati karakata kutasva pamabhiza emikono anoribiduka kumhanya,” saizvozvo mucharondwa navanomhanya chaizvo. Viz kapitola |