Isaya 28:4 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi4 Ruva riya rosvava pakubwinya kworunako rwaro, riri pamusoro pomupata wakaorera, richafanana neonde raibva gohwo risati rasvika, munhu achingoriona, anoritanha noruoko rwake, obva aridya pakarepo. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)4 ruʋa, rinowoma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaʋorera, ricaʋa seʋonde rinotaŋga kuibva zhezha ricigere kuȿika; rinoti ricatarirwa nowariʋona, ndokuridya riciri muruʋoko rwake. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20024 ruva, rinooma, rokunaka kwake kukuru, riri pamusoro womupata wakaworera richava sewonde rinotanga kuibva zhizha richigere kusvika; rinoti richatarirwa noariona, ndokuridya richiri muruoko rwake. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika4 mukurumbira wahwo waiyevedza, uri kuwuna seruva, uri pamusoro pebani rine vhu rakanaka, uchaita seguyu rokutangisa kuibva zhizha risati rasvika rokuti munhu kana akariona anobva aridya paanongoribata chete mumaoko. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona4 mukurumbira wahwo waiyevedza, uri kuwuna seruva, uri pamusoro pebani rine vhu rakanaka, uchaita seguyu rokutangisa kuibva zhizha risati rasvika rokuti munhu kana akariona anobva aridya paanongoribata chete mumaoko. Viz kapitola |