Isaya 28:22 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi22 Zvino chiregai kudada kwenyu, nokuti ngetani dzenyu dzichanyanya kukuremerai; Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose, andiudza pamusoro pokuparadzwa kwakatemwa pamusoro penyika yose. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)22 Naiɀoɀo regai kuʋa ʋaɗaɗi, kuti ɀisuŋgo ɀenyu ɀirege kusimbiswa; nokuti ndakanzwa kunaShe Jehova wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200222 Naizvozvo regai kuva vadadi, kuti zvisungo zvenyu zvirege kusimbiswa; nokuti ndakanzwa kuna Ishe Jehovha wehondo kuti nyika yose yakatemerwa kuparadzwa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika22 Zvino imi zvokudada regai, majoti enyu angadaro akabva anyatsosungwa chaizvo kuti nganganga nokuti ndakanzwa ini chirevo, chirevo chokuparadza munyika mose zvamo chinobva kuna Tenzi Tenzi wehondo nehondo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona22 Zvino imi zvokudada regai, majoti enyu angadaro akabva anyatsosungwa chaizvo kuti nganganga nokuti ndakanzwa ini chirevo, chirevo chokuparadza munyika mose zvamo chinobva kuna Tenzi Tenzi wehondo nehondo. Viz kapitola |