Online Bible

- Reklamy -

Isaya 27:9 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

9 Zvino nenzira iyi, mhosva yaJakobho ichadzikinurwa, uye izvi zvichava chibereko chakazara chokubviswa kwechivi chake: Paanoita kuti aritari dzose dzifanane namabwe omunyaka akaputswa-putswa, hapana matanda aAshera kana aritari dzezvinonhuhwira zvichasiyiwa zvakamira.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

9 Saka nenzira iyi ɀakaipa ɀaJakobo ɀicadzikinurwa; iɀi ndiɀo ɀiɓereko ɀose ɀokubviswa kweɀiʋi ɀake, kana aciita mabge ose eartari aʋe samabge omunyaka akaputswa‐putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuʋa ɀirege kuzomiswa.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

9 Saka nenzira iyi zvakaipa zvaJakobho zvichadzikinurwa; izvi ndizvo zvibereko zvose zvokubviswa kwezvivi zvake, kana achiita mabwe ose earitari ave samabwe omunyaka akaputswa-putswa, kuti miti yakatsaurwa nemifananidzo yezuva zvirege kuzomiswa.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

9 Saka naizvozvo chitadzo chevokwaJakobho chichazoregererwa, izvozvi ndouchava mubayiro wokuregererwa kwechitadzo chavo. Paachaita kuti mabwe ose eatari abhwadutsirwe pasi somunyakwe somunyakwe kuti mwarara, hapana chifananidzo chokunamata chinomiririra Ashera kana atari dzorusenzi dzichasara dzimire;

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Isaya 27:9

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy