Isaya 25:9 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 Pazuva iro vachati, “Zvirokwazvo uyu ndiye Mwari wedu; takavimba naye, iye akatiponesa. Uyu ndiye Jehovha, takavimba naye; ngatifarei tifarisise muruponeso rwake.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 Nezuʋa iro ʋacati: Tarirai, uyu ndiye Mŋari weɗu; takaŋga takamumirira, iye ucatiponesa; uyu ndiye Jehova, takaŋga takamumirira, ticafara, nokufarira ruponeso rwake. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20029 Nezuva iro vachati, “Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye achatiponesa; uye ndiye Jehovha, takanga takamumirira, tichafara, nokufarira ruponeso rwake.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 Pazuva iroro vanhu vachati, “Hauwoneka, uyu ndiye Mwari wedu watanga takamirira kuti atinunure. Uyu ndiTenzi, ndiye watanga takamirira, ngatichifarai tichipemberera kutiponesa kwake.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona9 Pazuva iroro vanhu vachati, “Hauwoneka, uyu ndiye Mwari wedu watanga takamirira kuti atinunure. Uyu ndiTenzi, ndiye watanga takamirira, ngatichifarai tichipemberera kutiponesa kwake.” Viz kapitola |