Isaya 18:7 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi7 Panguva iyoyo, zvipo zvichavigirwa Jehovha Wamasimba Ose, zvichibva kuvanhu vakareba vane ganda rinotsvedzerera, kubva kuvanhu vanotyiwa kwose kwose, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rudzi rune nyika yakakamurwa nenzizi, zvipo zvichauyiswa kuZioni, nzvimbo yeZita raJehovha Wamasimba Ose. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)7 Neŋguʋa iyo Jehova wehondo ucaʋigirwa ɀipo norudzi rwaʋanhu ʋakareɓa ʋakanaka kumeso, ʋanhu ʋanotyiwa kwose‐kwose, rudzi runesimba, runotsika‐tsika pasi, runenyika inokamurwa nenzizi, kunɀimbo yezita raJehova wehondo, kugomo reZioni. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20027 Nenguva iyo Jehovha wehondo achavigirwa zvipo norudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, vanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi, kunzvimbo yezita raJehovha wehondo, kugomo reZioni. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika7 “Panguva iyo mipiro ichaunzwa kuna Tenzi wehondo nehondo zvichibva kuvanhu varefu vane ganda rinotsvedzerera, vanhu vanotyiwa padyo nokurekure, rudzi rune simba runokurira, rune nyika yakakamuraniswa nehova vachiuya nayo kuGomo reZioni nzvimbo ine zita raTenzi wehondo nehondo.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona7 “Panguva iyo mipiro ichaunzwa kuna Tenzi wehondo nehondo zvichibva kuvanhu varefu vane ganda rinotsvedzerera, vanhu vanotyiwa padyo nokurekure, rudzi rune simba runokurira, rune nyika yakakamuraniswa nehova vachiuya nayo kuGomo reZioni nzvimbo ine zita raTenzi wehondo nehondo.” Viz kapitola |