Isaya 18:2 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi2 inotuma nhume nenzira yomugungwa, muzvikepe zvenhokwe pamusoro pemvura. Endai, imi nhume dzinokurumidza, kuvanhu vakareba uye vane ganda rinotsvedzerera, kuvanhu vanotyiwa kure napedyo, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rune nyika yakakamurwa nenzizi. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)2 inotuma nhume nenzira dzeguŋgwa namagwa enhokwe pamsoro pemvura, iciti: Endai, imi nhume dzinokurumidza, kurudzi rwaʋanhu ʋakareɓa ʋakanaka kumeso, kuʋanhu ʋanotyiwa kwose‐kwose, rudzi runesimba, runotsika‐tsika pasi, runenyika inokamurwa nenzizi. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20022 inotuma nhume nenzira dzegungwa namagwa enhokwe pamusoro pemvura, ichiti, “Endai, imi nhume dzinokurumidza, kurudzi rwavanhu vakareba vakanaka kumeso, kuvanhu vanotyiwa kwose-kwose, rudzi rune simba, runotsika-tsika pasi, rune nyika inokamurwa nenzizi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika2 inotumira vamiririri nomuna Nairi nomagwa enhokwe pamvura, ichiti, “Chiendai imi nhumwa dzinokurumidza kuvanhu varefu vane ganda rinotsvedzerera vanhu vanotyiwa padyo nokurekure rudzi rune simba runokurira rune nyika yakakamuraniswa nehova. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona2 inotumira vamiririri nomuna Nairi nomagwa enhokwe pamvura, ichiti, “Chiendai imi nhumwa dzinokurumidza kuvanhu varefu vane ganda rinotsvedzerera vanhu vanotyiwa padyo nokurekure rudzi rune simba runokurira rune nyika yakakamuraniswa nehova. Viz kapitola |