Hagai 2:4 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi4 Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Iva nesimba, iwe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru. Ivai nesimba, imi mose vanhu venyika,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye mushande. Nokuti ndinemi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)4 Asi ɀino ciʋa nesimba, iwe Zerubaberi — ndiɀo ɀinotaura Jehova; newe Joshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru, iʋa nesimba; nemi ʋanhu ʋose ʋenyika, iʋai nesimba, muɓate — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndinemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20024 Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri ndizvo zvinotaura Jehovha; newe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, iva nesimba; nemi vanhu vose venyika, ivai nesimba, mubate ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika4 Zvisinei hazvo, zvino tsunga mwoyo iwe Zerubhabhero, ndizvo zvinotaura Tenzi. Tsunga mwoyo Joshuwa mwanakomana waJehozadhaki mupristi mukuru. Tsungaiwo mwoyo imi vanhu vose venyika ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zviri kunzi naTenzi wehondo nehondo, ‘Shandai nokuti ndinemi Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona4 Zvisinei hazvo, zvino tsunga mwoyo iwe Zerubhabhero, ndizvo zvinotaura Tenzi. Tsunga mwoyo Joshuwa mwanakomana waJehozadhaki mupristi mukuru. Tsungaiwo mwoyo imi vanhu vose venyika ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zviri kunzi naTenzi wehondo nehondo, ‘Shandai nokuti ndinemi Viz kapitola |