Genesi 8:13 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi13 Pazuva rokutanga romwedzi wokutanga wegore ramazana matanhatu nerimwe aNoa, mvura yakanga yapwa panyika. Ipapo Noa akabvisa chifukidziro cheareka akaona kuti pamusoro penyika pakanga paoma. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)13 Pagore ramazana matanhatu nerimŋe, pamŋedzi wokutaŋga, nomusi wokutaŋga womŋedzi, mvura yakaŋga yapxa panyika; ipapo Noa akabvisa ɗeŋga reareka, akatarira, ʋonei pasi pose pawoma. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200213 Pagore ramazana matanhatu nerimwe, pamwedzi wokutanga, nomusi wokutanga womwedzi, mvura yakanga yapwa panyika; ipapo Noa akabvisa denga reareka, akatarira, onei pasi pose paoma. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika13 Pazuva rokutanga, mumwedzi wokutanga wegore rechimazana matanhatu ane gore rimwechete raNowa rokuberekwa, mvura yakanga yapwa panyika. Nowa akabvisa denga rengarava akaona kuti mvura yakanga yapwa panyika uye pakaoma pava kutoonekwa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona13 Pazuva rokutanga, mumwedzi wokutanga wegore rechimazana matanhatu ane gore rimwechete raNowa rokuberekwa, mvura yakanga yapwa panyika. Nowa akabvisa denga rengarava akaona kuti mvura yakanga yapwa panyika uye pakaoma pava kutoonekwa. Viz kapitola |