Genesi 42:13 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi13 Asi vakapindura vakati, “Varanda venyu vaiva gumi navaviri, vari vanakomana vomunhu mumwe, anogara munyika yeKenani. Gotwe ndiye ari kuna baba vedu iye zvino, uye mumwe haachisipo.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)13 Iʋo ʋakati: Isu ʋaranda ʋenyu, tiri ʋanakomana ʋanegumi naʋaʋiri ʋomunhu mumŋe cete panyika yeKanani; ɀino worugotwe uri kunaɓaɓa ʋeɗu nhasi; mumŋe haaci’po. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200213 Ivo vakati, “Isu varanda venyu, tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete panyika yeKenani; zvino worugotwe ari kuna baba vedu nhasi; mumwe haachisipo.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika13 Ivo vakati, “Isu varanda venyu tiri vana gumi navaviri. Tiri vana vomunhu mumwechete. Tinogara kunyika yeKanani. Munun'una wedu wokupedzesera akasara nababa asi mumwechete akatisiya.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona13 Ivo vakati, “Isu varanda venyu tiri vana gumi navaviri. Tiri vana vomunhu mumwechete. Tinogara kunyika yeKanani. Munun'una wedu wokupedzesera akasara nababa asi mumwechete akatisiya.” Viz kapitola |