Genesi 10:5 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi5 (Kubva kwavari ivava vanhu vomumahombekombe egungwa vakapararira munyika dzavo, nedzimba dzavo pakati pendudzi dzavo, rudzi rumwe norumwe nomutauro warwo.) Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)5 Kwaʋari kwakabva ʋanhu ʋeɀiwi ɀakapararira. Ndiʋo ʋanakomana ʋaJafeti munyika dzaʋo, mumŋe nomumŋe norurimi rwake, nemhuri dzaʋo, nendudzi dzaʋo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20025 Kwavari kwakabva vanhu vezvivi zvakapararira. Ndivo vanakomana vaJafeti munyika dzavo, mumwe nomumwe norurimi rwake, nemhuri dzavo, nendudzi dzavo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika5 Izvozvi ndizvo zvizvarwa zvokwaJafeti, makabva madzinza akasiyana-siyana, akazogara akatevedza mahombekombe egungwa. Vagere munyika iyi vari mudzimhuri dzavo, mumarudzi akasiyana-siyana maererano nemitauro yavo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona5 Izvozvi ndizvo zvizvarwa zvokwaJafeti, makabva madzinza akasiyana-siyana, akazogara akatevedza mahombekombe egungwa. Vagere munyika iyi vari mudzimhuri dzavo, mumarudzi akasiyana-siyana maererano nemitauro yavo. Viz kapitola |