Ezekieri 6:9 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi9 Ipapo vakapunyuka vachandirangarira vari pakati pendudzi kwavakaendeswa kuutapwa, kuti ndakashungurudzwa sei nemwoyo yavo youfeve, iyo yakatsauka kubva kwandiri, uye nameso avo, akachiva zvifananidzo zvavo. Vachazvisema pachavo nokuda kwezvakaipa zvavakaita nezvinyangadzo zvavo zvose. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)9 Ɀino ʋakapukunyuka pakati penyu ʋacandiraŋgarira pakati pamarudzi, kwaʋacatapirwa, kana ndaputsa mŋoyo yaʋo yokufeʋa, yakandirasha, nameso aʋo aipata aciteʋera ɀifananidzo ɀaʋo; ʋacaɀisema iʋo ʋamene pamsoro peɀakaipa ɀaʋakaita paɀinyaŋgadzo ɀaʋo ɀose. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20029 Zvino vakapukunyuka pakati penyu vachandirangarira pakati pamarudzi, kwavachatapirwa, kana ndaputsa mwoyo yavo yokufeva, yakandirasa, nameso avo aipata achitevera zvifananidzo zvavo; vachazvisema ivo vamene pamusoro pezvakaipa zvavakaita pazvinyangadzo zvavo zvose. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika9 ipapo vamwe venyu vanenge vapunyuka vachandirangarira vari mukati memarudzi kwavanenge vakaendwa navo kuutapwa pandichaparadza mwoyo wavo woruchiva wakabva kwandiri ukapofomadza meso avo voita kamwoyomwoyo kokupindukira kuzvifananidzo zvavo zvokunamata. Saka zvichaita kuti vazvishore pamusana pouipi hwavakaita nezvinhu zvavo zvinondisemesa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona9 ipapo vamwe venyu vanenge vapunyuka vachandirangarira vari mukati memarudzi kwavanenge vakaendwa navo kuutapwa pandichaparadza mwoyo wavo woruchiva wakabva kwandiri ukapofomadza meso avo voita kamwoyomwoyo kokupindukira kuzvifananidzo zvavo zvokunamata. Saka zvichaita kuti vazvishore pamusana pouipi hwavakaita nezvinhu zvavo zvinondisemesa. Viz kapitola |