Ezekieri 5:2 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi2 Panopera mazuva okukomba kwako, upise nomoto chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chebvudzi uri mukati meguta. Ugotora chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu uchiteme nomunondo uchipoteredza guta. Ugoparadzira chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu kumhepo. Nokuti ini ndichavadzingirira nomunondo wakavhomorwa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)2 Ɀino cetatu caro upise nomŋoto pakati peguta, kana mazuʋa okukombga kwaro apera; utore ʋo cimŋe cetatu, ugotema nomunondo kumatiʋi aro ose; ʋuye cetatu uparadzire kumhepo, ipapo ini ndicavomora munondo shure kwaʋo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20022 Zvino chetatu charo upise nomoto pakati peguta, kana mazuva okukombwa kwaro apera; utorewo chimwe chetatu, ugotema nomunondo kumativi aro ose; uye chetatu uparadzire kumhepo, ipapo ini ndichavhomora munondo shure kwavo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika2 Chimwe chezvikamu zvitatu zvevhudzi iroro unofanira kuchipisa mumoto pakati chaipo peguta. Kana mazuva okukombwa kwaro azopera, unotora chimwewo chikamu charo chiya wochidimura-dimura nebakatwa kutenderera guta iroro. Zvino chimwewo chikamu charo chechitatu unochimwaya kumhepo uye ndichavaburitsira bakatwa muhara rivaronde. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona2 Chimwe chezvikamu zvitatu zvevhudzi iroro unofanira kuchipisa mumoto pakati chaipo peguta. Kana mazuva okukombwa kwaro azopera, unotora chimwewo chikamu charo chiya wochidimura-dimura nebakatwa kutenderera guta iroro. Zvino chimwewo chikamu charo chechitatu unochimwaya kumhepo uye ndichavaburitsira bakatwa muhara rivaronde. Viz kapitola |