Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 48:8 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

8 “Kubva pamuganhu wenyika yaJudha zvichibvira kumabvazuva kusvikira kumavirira, uchava mugove wamuchapa sechipo chakatsaurwa. Uchava namakubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu paupamhi uye kureba kwawo kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira kuchaenzana nomugove worudzi rumwe, nzvimbo tsvene ichava pakati payo.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

8 Pamuganho waJuda, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, cicaʋa cipo camunofanira kuʋigira Jehova, tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu paʋupamhi, nokureɓa kwakaenzana nomumŋe wemigoʋe, kubva kurutiʋi rwamabvazuʋa kuȿikira kurutiʋi rwamaʋirazuʋa; nɀimbo tȿene inofanira kuʋa pakati payo.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

8 Pamuganho waJudha, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, chichava chipo chamunofanira kuvigira Jehovha, tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pahupamhi, nokureba kwakaenzana nomumwe wemigove, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva; nzvimbo tsvene inofanira kuva pakati payo.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

8 Nyika yokwaJudha inofanira kunge yakabatana nedunhu riya ramuchatsaura rigochengetedzwa rinobvira kumabvazuva kusvikira kumavirira riya rina upamhi hunoita gumi ramakiromita rine makiromita maviri ane hafu. Rinenge rakareba sokureba kwakangoitawo mumwe womugove yamadzinza kubvira kumabvazuva kusvikira kumadokero iine Nzvimbo Inoera mukati mayo.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona

Ezekieri 48:8

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy