Ezekieri 47:3 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Murume uyu akati achifamba akananga kurutivi rwokumabvazuva ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake, akayera makubhiti chiuru chimwe chete ndokubva ipapo andiyambutsa nomumvura yakanga yakadzika kusvika muzviziso zvamakumbo. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Ɀino murume uyo wakati aciɓuɗira kurutiʋi rwamabvazuʋa anorwonzi muruʋoko rwake, akayera makubiti anecuru cimŋe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikaȿikira kuɀiziso ɀamakumbo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20023 Zvino murume uyo wakati achibudira kurutivi rwamabvazuva anorwonzi muruoko rwake, akayera mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuzviziso zvamakumbo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Akananga kumabvazuva aine tambo yokueresa mumaoko akabva aera panoita mazana mashanu amamita ndokubva afamba neni nomumvura imomo iyo yakanga ichinyudza zvokusvika muchiziso chegumbo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona3 Akananga kumabvazuva aine tambo yokueresa mumaoko akabva aera panoita mazana mashanu amamita ndokubva afamba neni nomumvura imomo iyo yakanga ichinyudza zvokusvika muchiziso chegumbo. Viz kapitola |