Ezekieri 40:16 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi16 Makamuri namasvingo aionekwa omukati mesuo akanga akavharirwa nechidziro namawindo maduku akapoteredza, sezvakanga zvakaita pabiravira; napamawindo akapoteredza akatarisa nechomukati; mberi kwamasvingo kwakanga kwakashongedzwa nemiti yemichindwe. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)16 Mumakamuri makaŋga munamawindi akapfigwa, nomumbiru dzawo mukati mesuʋo kumatiʋi ose, saiɀoɀo ʋo pamaɓiraʋira; mawindi akaŋga ari’po ʋo kumatiʋi ose necomukati; pambiru imŋe neimŋe pakaŋga panemiti yemicindwe. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200216 Mumakamuri makanga muna mahwindo akapfigwa, nomumbiru dzawo mukati mesuo kumativi ose, saizvozvowo pamabiravira; mahwindo akanga aripowo kumativi ose nechomukati; pambiru imwe neimwe pakanga pane miti yemichindwe. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika16 Nechomukati meSuo Guru kutenderera maiva namahwindo nechomukatiwo mekamba kapaSuo Guru ipapo maiva namahwindo uye pamagwatidziro acho pakanga paine mifananidzo yemirara. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona16 Nechomukati meSuo Guru kutenderera maiva namahwindo nechomukatiwo mekamba kapaSuo Guru ipapo maiva namahwindo uye pamagwatidziro acho pakanga paine mifananidzo yemirara. Viz kapitola |