Ezekieri 36:3 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Naizvozvo profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti vakakuparadzai uye vakakudzingirai kumativi ose kusvikira mava vanhu vendudzi dzose uye nechinhu chinoshorwa navanhu, nechinorehwa, Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 naiɀoɀo profita, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Nemhaka iyi, ɀaʋakakuitai ɗoŋgo, nokukumedzai kumatiʋi ose, kuti muʋe nhaka yamarudzi aʋanhu akasara, ɀamakarebga nemiromo yaʋanotaura, mukaitirwa makuhwa naʋanhu; Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20023 naizvozvo porofita, uti, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nemhaka iyi, zvavakakuitai dongo, nokukumedzai kumativi ose, kuti muve nhaka yamarudzi avanhu akasara, zvamakarehwa nemiromo yavanotaura, mukaitirwa makuhwa navanhu;’ Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Saka chiporofita uchiti zvanzi naTenzi Mwari, pamusana pokuti, hongu, pamusana pokuti vakaita kuti uve renje vakakupwanya kumativi ose zvokuti makave mumaoko amamwe marudzi ose ukava pamiromo yavanhu vachikureva, Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona3 Saka chiporofita uchiti zvanzi naTenzi Mwari, pamusana pokuti, hongu, pamusana pokuti vakaita kuti uve renje vakakupwanya kumativi ose zvokuti makave mumaoko amamwe marudzi ose ukava pamiromo yavanhu vachikureva, Viz kapitola |