Ezekieri 33:6 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi6 Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya uye ikasaridza hwamanda kuti iyambire vanhu uye munondo ukasvika ukabvisa upenyu hwomumwe wavo, munhu uyo achabviswa hake nokuda kwechivi chake, asi ndichabvunza ropa rake kunharirire.’ Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)6 Asi kana nharirire ikaʋona munondo uciʋuya, akasaridza hwamanda, ʋanhu ʋakasanyeʋerwa, munondo ukaȿika, ukabvisa mumŋe pakati paʋo, wabviswa hake nokuɗa kweɀakaipa ɀake, asi ropa rake ndicaribvunza paruʋoko rwenharirire. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20026 Asi kana nharirire ikaona munondo ichiuya, akasaridza hwamanda, vanhu vakasanyeverwa, munondo ukasvika, ukabvisa mumwe pakati pavo, wabviswa hake nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwenharirire.’ ” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika6 Asi kana nharirire ikaona bakatwa richiuya, munhu iyeyo akarega kuridza hwamanda, zvokuti vanhu vanosara vasina kuyambirwa, hondo yebakatwa iya youya yotora mumwe wavo. Munhu iyeyo akatorwa muhuipi hwake; ini mhosva yake ndichaiisa panharirire iyoyo.’ Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona6 Asi kana nharirire ikaona bakatwa richiuya, munhu iyeyo akarega kuridza hwamanda, zvokuti vanhu vanosara vasina kuyambirwa, hondo yebakatwa iya youya yotora mumwe wavo. Munhu iyeyo akatorwa muhuipi hwake; ini mhosva yake ndichaiisa panharirire iyoyo.’ Viz kapitola |