Ezekieri 3:27 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi27 Asi pandinotaura newe, ndichazarura muromo wako uye uchati kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha.’ Ani naani anonzwa ngaanzwe, uye ani naani anoramba ngaarambe hake; nokuti ivo imba yokumukira. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)27 Asi kana ndicitaura newe, ndicashamisa muromo wako, iwe ugoti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Unonzwa, ŋgaanzwe, unoramba, ŋgaarambe; nokuti iʋo iimba inondimukira simba. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200227 Asi kana ndichitaura newe, ndichashamisa muromo wako, iwe ugoti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, anonzwa ngaanzwe, anoramba, ngaarambe; nokuti ivo iimba inondimukira simba.’ ” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika27 Asi kana ndataura kwauri ndichakuzarurira misuo; unofanira kuti zvanzi naTenzi, ‘Anenge achikunzwa ngaanzwe. Anenge asingade kunzwa ngaarege zvake nokuti imba yakapanduka.’ Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona27 Asi kana ndataura kwauri ndichakuzarurira misuo; unofanira kuti zvanzi naTenzi, ‘Anenge achikunzwa ngaanzwe. Anenge asingade kunzwa ngaarege zvake nokuti imba yakapanduka.’ Viz kapitola |