Ezekieri 14:7 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi7 “ ‘Kana muIsraeri upi zvake, kana mutorwa agere muIsraeri, akazvitsaura kubva pandiri akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita kunobvunza nezvangu, ini Jehovha ndichamupindura pachangu. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)7 Nokuti mumŋe nomumŋe weimba yaIsraeri, kana waʋatorwa ʋagere panyika yaIsraeri, unoparadzana neni, acipinza ɀifananidzo ɀake mumŋoyo make, nokuisa cigumbuso ceɀakaipa ɀake pamberi pake, akaʋuya kumuprofita kuti iye andibvunze nokuɗa kwake, ini Jehova ndicamupindura ndimene; Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20027 Nokuti mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere panyika yaIsiraeri, anoparadzana neni, achipinza zvifananidzo zvake mumwoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita kuti iye andibvunze nokuda kwake, ini Jehovha ndichamupindura ndimene; Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika7 Chiripo ndechokuti ani naani zvake wemba yaIsiraeri kana mumwe wevauyi vapfuuri zvavo muIsiraeri, anenge azvitsaura kwandiri achitorwa mwoyo nezvifananidzo zvake zvokunamata achizviisira chibingamupinyi chouipi hwake mberi kwake pedzezvo ouya kumuporofita kuzonzwa iye kuti ini ndinoti kudii, ini Tenzi ndini iyeni pachangu ndichamupa mhinduro. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona7 Chiripo ndechokuti ani naani zvake wemba yaIsiraeri kana mumwe wevauyi vapfuuri zvavo muIsiraeri, anenge azvitsaura kwandiri achitorwa mwoyo nezvifananidzo zvake zvokunamata achizviisira chibingamupinyi chouipi hwake mberi kwake pedzezvo ouya kumuporofita kuzonzwa iye kuti ini ndinoti kudii, ini Tenzi ndini iyeni pachangu ndichamupa mhinduro. Viz kapitola |