Ezekieri 14:4 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi4 Naizvozvo taura navo ugovaudza kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muIsraeri upi zvake akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita, ini Jehovha ndichamupindura pachangu zvinoenderana nokunamata kwake zvifananidzo zvake zvikuru. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)4 Naiɀoɀo taura naʋo, uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Munhu mumŋe nomumŋe weimba yaIsraeri unopinza ɀifananidzo ɀake mumŋoyo make, nokuisa cigumbuso ceɀakaipa ɀake pamberi pake, akaʋuya kumuprofita, ini Jehova ndicamupindura ɀakafanira iɀoɀo, ɀakafanira kuwanda kweɀifananidzo ɀake; Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20024 “Naizvozvo taura navo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, munhu mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri anopinza zvifananidzo zvake mumwoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita, ini Jehovha ndichamupindura zvakafanira izvozvo, zvakafanira kuwanda kwezvifananidzo zvake; Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika4 Naizvozvo chivataurira uchivaudza kuti zvanzi naTenzi Mwari, ani zvake wemba yaIsiraeri anotorwa mwoyo nezvifananidzo zvokunamata zvake achizviisira chibingamupinyi chouipi hwake mberi kwake pedzezvo ouya kumuporofita, ini Tenzi ndini ndichamupa mhinduro iyeni zvichienderanawo nokuwanda kwezvifananidzo zvake zvokunamata. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona4 Naizvozvo chivataurira uchivaudza kuti zvanzi naTenzi Mwari, ani zvake wemba yaIsiraeri anotorwa mwoyo nezvifananidzo zvokunamata zvake achizviisira chibingamupinyi chouipi hwake mberi kwake pedzezvo ouya kumuporofita, ini Tenzi ndini ndichamupa mhinduro iyeni zvichienderanawo nokuwanda kwezvifananidzo zvake zvokunamata. Viz kapitola |