Ezekieri 14:16 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi16 zvirokwazvo, noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai varume vatatu ava vaivamo, havaizogona kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo. Ivo chete ndivo vaingopona, asi nyika yaizoparadzwa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)16 kunyaŋge ʋarume aʋa ʋatatu ʋaiʋa’mo, noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — haʋaŋgarwiri ʋanakomana kana ʋanasikana; iʋo ʋoga ʋaŋgarwirwa, asi nyika icaitwa ɗoŋgo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200216 kunyange varume ava vatatu vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha havangarwiri vanakomana kana vanasikana; ivo voga vangarwirwa, asi nyika ichaitwa dongo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika16 kunyange zvazvo ivava varume vatatu vaivamo, hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari havaikwanisa kununura vana vavo vakomana kana vasikana. Ivo bedzi ndivo vaitonunurwa asi nyika ichisara yangova nyikawo zvayo isina chinhu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona16 kunyange zvazvo ivava varume vatatu vaivamo, hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari havaikwanisa kununura vana vavo vakomana kana vasikana. Ivo bedzi ndivo vaitonunurwa asi nyika ichisara yangova nyikawo zvayo isina chinhu. Viz kapitola |