Eksodo 39:3 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Vakapambadzira goridhe rikava marata matete uye vakagura tuwaya kuti tupfekerwe muwuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye mumucheka wakaisvonaka, basa remhizha ino unyanzvi. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Ʋakapambadzira ndarama, ʋakaita maɓape matete, ʋakaiceka, ʋakaita nhare dzokusonisa nadzo ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka yakarukwa, riri ɓasa romunhu unogona. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20023 Vakapambadzira ndarama, vakaita mabape matete, vakaicheka, vakaita nhare dzokusonisa nadzo zvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa, riri basa romunhu anogona. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Vakapfura ndarama vachiita mapape. Vakacheka-cheka mapape endarama iwayo vachiita tutseta tutetetete, twakazorukirwa mumachira erineni akanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona3 Vakapfura ndarama vachiita mapape. Vakacheka-cheka mapape endarama iwayo vachiita tutseta tutetetete, twakazorukirwa mumachira erineni akanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. Viz kapitola |