Danieri 9:16 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi16 Haiwa Ishe, dzorai kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu kubva paJerusarema, guta renyu nechikomo chenyu chitsvene, nokuda kwamabasa enyu ose akarurama. Zvivi zvedu nezvakaipa zvamadzibaba edu zvakaita kuti Jerusarema nevanhu zvive chinhu chinosekwa neavo vose vakatipoteredza. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)16 Haiwa Ishe, nokuɗa kwokururama kwenyu kwose, ndinokunyeŋgeterai kuti kutsamŋa kwenyu nehasha dzenyu ɀidzorwe paguta renyu reJerusarema, iro gomo renyu dɀene; nemhaka yeɀiʋi ɀeɗu, ʋuye nemhaka yeɀakaipa ɀamadziɓaɓa eɗu, Jerusarema naʋanhu ʋenyu ʋakaitwa cinhu cinoshoʋorwa pakati paʋose ʋanotipoteredza. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200216 Aiwa Ishe, nokuda kwokururama kwenyu kwose, ndinokunyengeterai kuti kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu zvidzorwe paguta renyu reJerusaremu, iro gomo renyu dzvene; nemhaka yezvivi zvedu, uye nemhaka yezvakaipa zvamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakaitwa chinhu chinoshoorwa pakati pavose vanotipoteredza. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika16 Tenzi, hasha dzenyu ngadziserere, kushatirirwa guta renyu reJerusaremu chikomo chenyu chinoera kupore maererano namaitiro enyu akarurama nokuti pamusana pezvitadzo zvedu nouipi hwamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakava chiseko chenyika chavanhu vari munharaunda yatiri. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona16 Tenzi, hasha dzenyu ngadziserere, kushatirirwa guta renyu reJerusaremu chikomo chenyu chinoera kupore maererano namaitiro enyu akarurama nokuti pamusana pezvitadzo zvedu nouipi hwamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakava chiseko chenyika chavanhu vari munharaunda yatiri. Viz kapitolaShona BIBLE16 Aiwa Ishe, nokuda kwokururama kwenyu kwose, ndinokunyengeterai kuti kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu zvidzorwe paguta renyu reJerusaremu, iro gomo renyu dzvene; nemhaka yezvivi zvedu, uye nemhaka yezvakaipa zvamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakaitwa chinhu chinoshoorwa pakati pavose vanotipoteredza. Viz kapitola |