Online Bible

- Reklamy -

Ɀireʋo 6 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Njodzi yoruɓatso.

1 Mŋanakomana waŋgu, kana uciŋge wakaɀiitira wokwako ruɓatso, Waɀisuŋga nokuɗa kwomutorwa noruʋoko rwako,

2 Waɀiteya namashoko omuromo wako, Waɓatwa namashoko omuromo wako,

3 Ɀino ita kuɗai, mŋanakomana waŋgu, uɀirwire, Ɀawaɓatwa noruʋoko rwowokwako: Enda, undoɀininipisa, ukumbire ɀikuru kunowokwako.

4 Usatendera meso ako hope, Kana mafuŋgiro ameso ako kutsimŋaira;

5 Uɀirwire semhara paruʋoko rwomuvimi, Seshiri paruʋoko rwomuteyi.


Simbe inotukwa.

6 Enda kumujuru, iwe simbe; Cerekedza nzira dzawo, ugoʋa wakacenjera!

7 Kunyaŋge iwo usinomutoŋgi, Kana mutariri kana muɓati,

8 Unogadzira ɀokudya ɀawo muzhezha, Nokuʋuŋganidza ɀokudya ɀawo mukukohwa.

9 Iwe simbe, ucaʋata pasi kuȿikira riniko? Ucamuka riniko pahope dzako?

10 Kumboʋata ɀishomanene, kumbotsimŋaira ɀishomanene, Kumbofuŋgatira maʋoko ɀishomanene, ndizorore;

11 Saiɀoɀo ʋurombo bgako ʋucaȿika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashoŋga nhumbi dzokurwa.


Ɀinoʋeŋgwa naMŋari.

12 Munhu usinamaturo, munhu unoita ɀakaipa, Ndiye unofamba nomuromo unenhema;

13 Unobgaira nameso ake, unotendekera netsoka dzake, Unoɗudzira neminwe yake;

14 Uneɀisakarurama pamŋoyo pake, Unosifuŋgira ʋamŋe ɀakaipa, Unokusha kupesana.

15 Saka njodzi yake icamuwira kamŋe‐kamŋe; Ucavuniwa pakarepo, kusina‐ciŋgamuɓatsira.

16 Ɀinhu ɀitanhatu ɀiri’ko ɀinoʋeŋgwa naJehova; Ɀirokwaɀo, tiŋgati kuneɀinomŋe, ɀinomunyaŋgadza, ɀinoti:

17 Meso ounoɀikudza, rurimi runoreʋa nhema, Maʋoko anoɗurura ropa risinemhaka;

18 Mŋoyo unofuŋga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuʋaŋgira ɀakashata;

19 Capupu cinonyeŋgera cinoreʋa nhema, Ʋuye unokusha kupesana pakati pehama.


Kushata kwoʋupombge.

20 Mŋanakomana waŋgu, ceŋgeta murairo waɓaɓa ʋako; Usarasha kudzidzisa kwamai ʋako.

21 Uɀisuŋgire ŋguʋa dzose pamŋoyo wako; Uɀishoŋge pamutsipa wako.

22 Kana ucifamba, ɀicakutuŋgamirira; Kana uciʋata pasi, ɀicakurinda; Kana womuka, ɀicataurirana newe.

23 Nokuti murairo ndiwo mŋenje; murau ndico ciedza; Kuraira kwokurairirwa inzira yoʋupenyu;

24 Kuti uceŋgetwe pamukadzi wakaipa, Pakuɓata kumeso kworurimi rwomutorwa.

25 Usaciʋa kunaka kwake mumŋoyo mako; Arege kukuɓata namafuŋgiro ameso ake.

26 Nokuti nokuɗa kwecifeʋe munhu uŋgaȿikira pakudya cimeɗu ɓedzi ceciŋgwa; Mukadzi womumŋe munhu unovima ʋupenyu ʋunokosha.

27 Ko munhu uŋgaisa mŋoto mucifuʋa cake, Ŋguʋo dzake dzikasatȿa here?

28 Kana munhu uŋgatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here?

29 Ndiɀo ɀakaita munhu unopinda kumukadzi wowokwake; Aninani unomunyaŋgata iye mukadzi haaŋgaregwi kurobga.

30 Ʋanhu haʋaŋgaɀidzi muɓi kana aciɓa Kuti agute kana aciŋge anenzara.

31 Asi kana akaɓatwa unofanira kudzosera ɀaʋa ɀinomŋe; Unofanira kuripa nefuma yose yeimba yake.

32 Unoita ʋupombge nomukadzi, unoshaiwa njere; Unoɗa kuparadza ʋupenyu bgake ndiye unoita iɀoɀo.

33 Ucaŋgoɀiwanira maʋaŋga nokusakudzwa; Kunyadziswa kwake hakuŋgatoŋgopisikwi.

34 Nokuti goɗo rinomutsa hasha dzomurume; Haaŋganzwiri tsitsi pazuʋa rokutsiʋa.

35 Haaŋgaʋi nehanya nomuripo; Haaŋgatendi, kunyaŋge ukamuʋigira ɀipo ɀizhinji.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy