Online Bible

- Reklamy -

Ɀireʋo 5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kushata kwoʋufeʋe.

1 Mŋanakomana waŋgu, terera ʋucenjeri bgaŋgu; Rerekera nzeʋe yako inzwe njere dzaŋgu;

2 Kuti ugare wakaɓata kuŋgwara, Nemiromo yako iceŋgete ziʋo.

3 Nokuti miromo yomukadzi wokumŋe inoɗonha ʋuci; Muromo wake unotedza kupfuʋura mafuta;

4 Asi pakupedzisira unoʋaʋa segaʋakaʋa; Unopinza somunondo unenhiʋi mbiri dzinoceka.

5 Tsoka dzake dzinoɓurukira kurufu; Nhambge dzake dzinoʋaʋarira kubgiro;

6 Gwara roʋupenyu, rakati cecetere, haariwani; Nzira dzake dzinotsauka, iye asiŋgaɀiziʋi.

7 Saka imi, ʋanakomana ʋaŋgu, nditererei; Regai kutsauka pamashoko omuromo waŋgu.

8 Nzira yako ŋgaiʋe kure naye, Usasweɗera pamukoʋa weimba yake.

9 Kuti urege kupa ʋamŋe kunaka kwoʋujaya bgako, Namakore ako kunounomŋoyo mukukutu;

10 Kuti ʋatorwa ʋarege kugutswa nefuma yako, Neɀiɓereko ɀokutambura kwako ɀiende kumba kwomŋeni.

11 Iwe ugocema pakupedzisira kwako, Kana nyama yako nomuʋiri wako ɀaparadzwa,

12 Uciti: Ndakaʋeŋgereiko kurairirwa, Mŋoyo waŋgu wakashoʋorerei kurairwa?

13 Ndakaregereiko kuterera inzwi raʋadzidzisi ʋaŋgu, Nokusarerekera nzeʋe yaŋgu kunaʋaindiraira?

14 Ndakaŋga ndapinda paneɀakaipa ɀose, Pakati peciʋuŋga neʋuŋgano.

15 Inwa mvura padziʋa rako cairo, Nemvura inoyerera patsime rako cairo.

16 Ko matsime ako anofanira kuparadzirwa here, Nzizi dzemvura dziyerere munzira dzomumusha here?

17 Ŋgaɀiʋe ɀako ɀoga, Ɀisaʋa ɀaʋatorwa pamŋe cete newe.

18 Tsime rako ŋgariropafadzwe; Ufarire mukadzi woʋujaya bgako.

19 Sehadzi yenondo yakanaka, nehadzi yeŋgururu inofadza; Mazamu ake ŋgaakufadze ŋguʋa dzose; Ugare ucigutiswa noruɗo rwake.

20 Nokuti iwe, mŋanakomana waŋgu, ucagutsirweiko nomukadzi wokumŋe, Ucambundikireiko cifuʋa comŋeni?

21 Nokuti nzira dzomunhu dziri pamberi paJehova; Ndiye unoyera makwara ake ose.

22 Ɀiʋi ɀake ɀicaɓata muiti waɀo, Ucaɓatwa namaɓote eɀiʋi ɀake.

23 Ucafa nokushaiwa kurairirwa; Ucatsauka noʋukuru bgoʋupenzi bgake.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy