Ɀireʋo 3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Munhu ŋgaatye Jehova, aʋimbe naye, amuterere. 1 Mŋanakomana waŋgu, usakaŋganwa kudzidzisa kwaŋgu; Asi mŋoyo wako ŋgauceŋgete mirairo yaŋgu; 2 Nokuti ɀicakuwedzera mazuʋa mazhinji, Namakore oʋupenyu, norugare. 3 Ruɗo neɀokwaɗi ŋgaɀirege kukusiya; Uɀisuŋgire pamutsipa wako; Uɀinyore pahwendefa romŋoyo wako; 4 Nokuɗaro ucawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMŋari naʋanhu. 5 Ʋimba naJehova nomŋoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. 6 Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose. 7 Usaɀiti wakacenjera; Itya Jehova, ubve paneɀakaipa; 8 Ɀicaʋa mushoŋga womuʋiri wako, Nomŋoŋgo wamafupa ako. 9 Kudza Jehova neɀaunaɀo, Ʋuye neɀitȿa ɀaɀose ɀawakawana; 10 Ipapo matura ako acazadzwa neɀakawanda, Makate ako acapfacuka newaini itȿa. 11 Mŋanakomana waŋgu, usaɀidza kuraŋga kwaJehova; Usaneta nokuraira kwake. 12 Nokuti Jehova unoraira muɗikanwa wake; Seɀinoita ɓaɓa mŋanakomana waʋo waʋanofarira. Mufaro womunhu, wawana ʋucenjeri. 13 Munhu, wawana ʋucenjeri, unomufaro, Naiye munhu, unowana njere. 14 Nokuti kuʋuwana ibgo kunopfuʋura kuwana sirveri; Nokuʋufuma ibgo kunopfuʋura kufuma ndarama. 15 Ʋunokosha kupfuʋura korari; Hakunefuma yako iŋgaenzaniswa nabgo. 16 Mazuʋa mazhinji oʋupenyu ari muruʋoko rwabgo rworudyi; Muruʋoko rwabgo rworuɓoshwe munefuma nokukudzwa. 17 Nzira dzabgo inzira dzeɀinofadza; Makwara abgo ose ndoorugare. 18 Ndiwo muti woʋupenyu kunaʋanoʋunamatira; Mumŋe nomumŋe unoʋuɓata unomufaro. 19 Jehova wakateya pasi noʋucenjeri; Wakasimbisa kuɗeŋga‐ɗeŋga nenjere. 20 Mvura iri makadzika yakadzutuka neziʋo yake; Ƌeŋga rose rakaɗonha ɗoʋa. 21 Mŋanakomana waŋgu, ŋgaɀirege kubva pameso ako; Ceŋgeta ʋucenjeri caibgo nokuŋgwara. 22 Ipapo ɀicaʋa ʋupenyu bgomŋeya wako; Noʋukomba pamutsipa wako. 23 Ipapo ucafamba nenzira yako wakasimba; Rutsoka rwako haruŋgagumburwi. 24 Kana uciʋata pasi hauŋgatyi; Ʋuye kana waʋata pasi hope dzako dzicaʋa dzakanaka. 25 Usatya hako civunduso cinokuwira kamŋe‐kamŋe, Kunyaŋge kuparadzwa kwaʋakaipa, kana kuciȿika; 26 Nokuti Jehova ucaʋa ciʋimbo cako; Ucaceŋgeta rutsoka rwako, kuti rurege kuɓatwa. Munhu ŋgaave nomŋoyo murefu nokutendeka. 27 Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira ɀakanaka Kana ruʋoko rwako ruciŋge runesimba kuɀiita. 28 Usati kunowokwako: Enda, ugodzoka ɀe, Maŋgwana ndicakupa; Kana uciŋge unaɀo’po. 29 Usafuŋga kuitira wokwako ɀakaipa, Ɀaanogara hake newe acikutenda. 30 Usarwa nomunhu pasinemhoȿa, Kana asina‐kukuitira ɀakaipa. 31 Usagoɗora munhu unomanikidza; Usateʋera kunyaŋge nomumŋe wemitoʋo yake. 32 Nokuti mutsauki inyaŋgadzi kunaJehova; Asi unoʋukama naʋakarurama. 33 Kutuka kwaJehova kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ʋugaro bgaʋakarurama. 34 Kana ʋari ʋaɗaɗi, unoʋaɗaɗira, Asi ʋanoɀininipisa unoʋaitira nyasha. 35 Ʋakacenjera ʋacagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anoɀiwanira kunyadziswa. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society