Ɀireʋo 2 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kunaka kwoʋucenjeri. 1 Mŋanakomana waŋgu, kana ukagamucira mashoko aŋgu, Nokuceŋgeta mirairo yaŋgu kwauri; 2 Kuti urerekere nzeʋe yako iterere ʋucenjeri, Nokurwadza mŋoyo wako, kuti unzwisise; 3 Kana ukacemera kunzwisisa, Ukaɗanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; 4 Ɀirokwaɀo kana ukaʋutȿaka sesirveri, Ukaʋutȿakisisa sefuma yakaʋanzwa; 5 Ipapo ucanzwisisa kutya Jehova, Nokuwana ziʋo yaMŋari. 6 Nokuti Jehova ndiye unopa ʋucenjeri; Mumuromo make munoɓuɗa ziʋo nenjere, 7 Unoʋigira ʋakarurama ʋucenjeri caibgo; Ndiye nhoʋo yaʋanofamba muɀokwaɗi; 8 Nokuti unorinda makwara okururamisa, Nokuceŋgeta nzira yaʋatȿene ʋake. 9 Ipapo ucanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka. 10 Nokuti ʋucenjeri ʋucapinda mumŋoyo mako, Ziʋo icafadza mŋeya wako; 11 Kuŋgwara kucakurindira, Njere dzicakuceŋgeta; 12 Ɀikurwire panzira yeɀakaipa, Napaʋanhu ʋanotaura ɀisakarurama; 13 Ʋanorasha makwara okururama, Kuti ʋafambe nenzira dzerima; 14 Ʋanofarira kuita ɀakaipa, Ʋanofadzwa nokunyeŋgera kweɀakaipa. 15 Ʋanenzira dzakaminama, Ʋanotsauka pamakwara aʋo; 16 Kuti ɀikurwire kumukadzi wokumŋe, Kumukadzi mutorwa, unoɓata kumeso namashoko ake. 17 Iye, unorasha shamŋari yoʋumhandara bgake, Acikaŋganwa suŋgano yaMŋari wake. 18 Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuʋakafa; 19 Hakuna‐unopinda kwaari unozodzoka ɀe; Haʋaȿiki panzira dzoʋupenyu; 20 Kuti ufambe nenzira yaʋakanaka, Uceŋgete makwara aʋakarurama. 21 Nokuti ʋakarurama ʋacagara panyika, Ʋakakwana ʋacarambira’po. 22 Asi ʋakaipa ʋacaparadzwa panyika; Ʋanoita nokunyeŋgedzera ʋacadzurwa’po. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society