Online Bible

- Reklamy -

Zekaria 7 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Jehova unotȿaka kururama.

1 Ɀino negore recinna ramambo Dariusi shoko raJehova rakaȿika kunaZekaria nezuʋa recinna romŋedzi wepfumbamŋe, iwo weKisrevi.

2 Ɀino ʋanhu ʋeBeti‐eri ʋakaŋga ʋatuma Sharezeri naRegemi‐mereki, naʋanhu ʋaʋo, kundokumbira nyasha kunaJehova,

3 nokutaura naʋaprista ʋeimba yaJehova wehondo, naʋaprofita, ʋaciti: Ko ndocema nomŋedzi wecishanu, ndiciɀiparadzanisa naʋamŋe, seɀandaiita makore awa mazhinji here?

4 Ipapo shoko raJehova wehondo rakaȿika kwandiri, riciti:

5 Taura naʋanhu ʋose ʋenyika ino, naʋaprista, uti: Ɀamaiɀinyima ɀokudya mucicema nomŋedzi wecishanu nowecinomŋe, makore ano anamakumi manomŋe, maitoŋgoɀinyima ɀokudya nokuɗa kwaŋgu, nokuɗa kwaŋgu here?

6 Kana mucidya, kana mucinwa, hamuɀidyiri nokuɀinwira here?

7 Ko haazi mashoko aJehova aakaɗanidzira naʋaprofita ʋakare, Jerusarema ricakagarwa naʋanhu ricinomufaro, iro namaguta aro ose akaripoteredza, nenyika yezasi nenyika yamapani dzicinaʋanhu.

8 Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaZekaria, riciti:

9 Ndiɀo ɀakataura Jehova wehondo, aciti: Ruramisirai kwaɀo pakutoŋga, mumŋe nomumŋe aitire hama yake ʋunyoro netsitsi;

10 regai kumanikidza cirikadzi, kana nherera, kana mutorwa, kana murombo; kurege kuʋa nomumŋe wenyu unofuŋgira hama yake ɀakaipa pamŋoyo pake.

11 Asi ʋakaramba kuterera, ʋakabvisa fudzi raʋo, nokudziʋira nzeʋe dzaʋo kuti ʋarege kunzwa.

12 Ɀirokwaɀo, mŋoyo yaʋo ʋakaiita sedaimani, kuti ʋarege kunzwa murairo namashoko akatumŋa naJehova wehondo noMŋeya wake naʋaprofita ʋakare; saka kutsamŋa kukuru kwakaɓuɗa kunaJehova wehondo.

13 Ɀino seɀaakaɗana, iʋo ʋakaramba kunzwa, saiɀoɀo iʋo ʋacaɗana ʋo, ini ndiciramba kunzwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo;

14 asi ndicaʋaparadzira necampupuri pakati pendudzi dzose dzaʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi. Naiɀoɀo nyika yakaʋa ɗoŋgo shure kwaʋo, kukasaʋa nomunhu wakaenda kana kudzoka noko; nokuti ʋakaparadza nyika yakaŋga icifadza.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy