Zekaria 6 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ciratidzo corusere, ceŋgoro namabiza. 1 Ɀino ndakarinzira meso aŋgu ɀe, ndikatarira, ndikaʋona ŋgoro inna dziciɓuɗa pakati pamakomo maʋiri; makomo iwayo akaŋga ari makomo endarira. 2 Ŋgoro yokutaŋga yakaŋga inamabiza matȿuku; ŋgoro yecipiri mabiza matema; 3 ŋgoro yecitatu mabiza macena, ŋgoro yecinna mabiza mapfumbu anesimba. 4 Ipapo ndakapindura, ndikati kumutumŋa wakaŋga acitaurirana neni: Ɀinyiko iɀi, ishe waŋgu? 5 Mutumŋa akapindura, akati kwandiri: Iɀeɀi ndidzo mhepo inna dzokuɗeŋga, dzinoɓuɗa padzakaŋga dzimire pamberi paShe wenyika yose. 6 Ŋgoro inamabiza matema inoɓuɗira kunyika yokumsoro; macena akaateʋera; namapfumbu akaɓuɗira kunyika yezasi. 7 Anesimba akaɓuɗa ʋo, akatȿaka kuenda kuti apote‐pote nenyika yose; akati: Ibvai pano, mupote‐pote nenyika yose. Ipapo akapota‐pota nenyika yose. 8 Ipapo akaɗanidzira kwandiri, akataura neni, aciti: Tarirai, ʋanoenda kunyika yokumsoro, ʋakanyaradza mŋeya waŋgu kunyika yokumsoro. Korona pamusoro waJoshua. 9 Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 10 Tora ʋamŋe kunaʋakatapxa, ʋanoti Herdai, naTobija, naJedaia; uʋuye nezuʋa irero upinde mumba maJosia mŋanakomana waZefania, kwaʋakaȿika ʋacibva Babironi; 11 utore kwaʋari sirveri nendarama, uite korona, uidzike pamusoro waJoshua mŋanakomana waJehozadaki, muprista mukuru; 12 utaure naye, uciti: Ɀanzi naJehova wehondo: Tarira, murume unezita rinonzi Ƌaʋi; iye ucakura panɀimbo yake, iye ucaʋaka tembere yaJehova; 13 ndiye ucaʋaka tembere yaJehova; iye ucaʋa noʋumambo, ʋuye ucagara pacigaro cake aciɓata ʋushe; ucaʋa muprista pacigaro cake coʋushe; raŋgano yorugare icaʋa pakati paʋo iʋo ʋaʋiri. 14 Korona dzicaʋa dzaHeremi, naTobija, naJedaia, naHeni mŋanakomana waZefania, ciʋe ciyeʋudzo mutembere yaJehova. 15 Ʋari kure ʋacaʋuya ʋaciʋaka mutembere yaJehova; ipapo mucaziʋa kuti Jehova wehondo ndiye wakanditumira kwamuri. Iɀeɀi ɀicaitika kana muciterera ɀakanaka inzwi raJehova Mŋari wenyu. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society