Online Bible

- Reklamy -

Zekaria 5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ciratidzo cecitanhatu corugwaro rwakapetwa.

1 Ɀino ndakarinzira meso aŋgu ɀe, ndikatarira, ndikaʋona rugwaro rwakapetwa rucibururuka.

2 Akati kwandiri: Unoʋoneiko? Ndikapindura, ndikati: Ndinoʋona rugwaro rwakapetwa runobururuka; kureɓa kwarwo makubiti anamakumi maʋiri, noʋupamhi bgarwo makubiti anegumi.

3 Ipapo akati kwandiri: Ndiko kutuka kunoɓuɗira pamsoro penyika yose; nokuti mumŋe nomumŋe unoɓa ucaparadzwa kunorumŋe rutiʋi seɀaɀakanyorwa’mo; ʋuye mumŋe nomumŋe unopika ucaparadzwa kunorumŋe rutiʋi, seɀaɀakanyorwa’mo.

4 Ndicaɓuɗisa kutuka ikoko — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — kupinde mumba mounoɓa nomumba mounopika nhema nezita raŋgu; kucagara pakati peimba yake, kuciipedza iyo pamŋe cete namatanda ayo namabge ayo.


Ciratidzo cecinomŋe, comukadzi wakaɓata efa.

5 Ɀino mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni wakaɓuɗa, akati kwandiri: Cirinzira meso ako ɀino, uʋone cinoɓuɗa’po.

6 Ini ndikati: Cinyiko? Iye akati: Ndiyo efa inoɓuɗa’po. Akati ɀe: Ndiɀo ɀaʋakaita panyika yose;

7 (ɀino ndikaʋona tarenta romutobvu ricisimudzwa); ndikaʋona mukadzi agere mukati meefa.

8 Akati: Uyu ndiye Ɀakashata; akamuwisira pasi mukati meefa, akakandira mutobvu unorema pamsoro pomuromo wayo.

9 Ipapo ndakarinzira meso aŋgu, ndikatarira, ndikaʋona ʋakadzi ʋaʋiri ʋaciɓuɗa, mhepo iri mumapapiro aʋo; ɀino ʋakaŋga ʋanamapapiro akafanana namapapiro ezimudo; iʋo ʋakasimudza efa, ikaʋa pakati penyika neɗeŋga.

10 Ipapo ndikati kumutumŋa wakaŋga acitaurirana neni: Ʋanondoisepiko efa?

11 Iye akati kwandiri: Kundomuʋakira imba panyika yeShinari; kana yapera ucandoiswa’po panɀimbo yake.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy