Online Bible

- Reklamy -

Zekaria 4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ciratidzo cecishanu, cecigadziko comŋenje nemiorivi miʋiri.

1 Ɀino mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni wakaȿika ɀe, akandimutsa, somunhu unomutswa pahope dzake.

2 Akati kwandiri: Unoʋoneiko? Ini ndikati: Ndakatarira, ndikaʋona cigadziko comŋenje cendarama yose, cineharyana yaco pamsoro paco, nemŋenje yaco minomŋe iri pamsoro paco; mŋenje mumŋe nomumŋe uri pamsoro paco unempombi nomŋe;

3 ʋuye miti miʋiri yemiorivi parutiʋi rwaco, mumŋe kurutiʋi rworudyi rweharyana, nomumŋe kurutiʋi rworuɓoshwe.

4 Ndikapindura ndikataura nomutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, ndiciti: Iɀi ɀinyiko, ishe waŋgu?

5 Ipapo mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, wakapindura, akati kwandiri: Hauziʋi here kuti iɀi ɀinyiko? Ini ndikati: Kwete, ishe waŋgu.

6 Ipapo akapindura, akataura neni, aciti: Ndiro shoko raJehova kunaZerubaberi, rinoti: Haɀiitwi nehondo kana nesimba, asi noMŋeya waŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.

7 Ndiwe aniko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubaberi ucaitwa ɓani: iye ucaɓuɗisa ibge rokumsoro, aciɗanidzira aciti: Nyasha, nyasha ŋgadziʋe kwariri.

8 Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:

9 Maʋoko aZerubaberi akateya nheyo dzeimba ino, maʋoko ake acaipedzisa ʋo; ipapo iwe ucaziʋa kuti Jehova wehondo ndiye wakandituma kwauri.

10 Nokuti ndiani wakashoʋora zuʋa reɀinhu ɀiɗuku? Nokuti awa manomŋe acafara ɀikuru, acaʋona rwonzi rwokuyera muruʋoko rwaZerubaberi; awa ndiwo meso aJehova anofamba pose‐pose panyika yose.

11 Ipapo ndakapindura, ndikati kwaari: Ko miorivi iyi miʋiri kurutiʋi rworudyi rwecigadziko nokurutiʋi rworuɓoshwe ɀinoti kuɗiniko?

12 Ndikapindura ɀe rwecipiri, ndikati kwaari: Ko mataʋi awa maʋiri omuorivi ari kumatiʋi emiromo miʋiri, inoɗira mafuta endarama pairi, anoti kuɗiniko?

13 Akandipindura, akati: Hauziʋi here kuti iɀi ɀinyiko? Ini ndikati: Kwete, ishe waŋgu.

14 Ɀino akati: Aʋa ndiʋo ʋaʋiri ʋakazodzwa, ʋamire pamberi paShe wenyika yose.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy