Zekaria 3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ciratidzo cecinna, Joshua unopomerwa naSatani asi unorwirwa naJehova. 1 Ɀino wakandiratidza Joshua muprista mukuru, amire pamberi pomutumŋa waJehova, Satani amire paruʋoko rwake rworudyi, kuti aʋe mudziʋisi wake. 2 Jehova akati kunaSatani: Jehova ŋgaakutuke, iwe Satani; ɀirokwaɀo, Jehova, wakaɀisanaŋgurira Jerusarema, ŋgaakutuke; ko ici hacizi citsika cakabvutwa pamŋoto here? 3 Ɀino Joshua wakaŋga akafuka ŋguʋo dzinetȿina, amire pamberi pomutumŋa. 4 Akapindura, akataura naʋakaŋga ʋamire pamberi pake, aciti: Bvisai ŋguʋo dzake dzinetȿina. Akati kwaari: Tarira, ndakabvisa ɀakaipa ɀako, ndicakupfekedza ŋguʋo dzomutambo. 5 Ini ndikati: Ŋgaʋamudzike ŋgoani yakacena pamusoro wake. Ipapo ʋakamudzika ŋgoani yakacena pamusoro wake, ʋakamupfekedza ŋguʋo; ɀino mutumŋa waJehova wakaŋga amire’po. 6 Mutumŋa waJehova akapupura kunaJoshua, aciti: 7 Ɀanzi naJehova wehondo: Kana ukafamba nenzira dzaŋgu, kana ukaceŋgeta ɀandakakuraira, ipapo ucatoŋga imba yaŋgu, ʋuye ucaceŋgeta ʋo maʋazhe aŋgu, ini ndicakupa mapindire pakati paʋamire pano. 8 Ɀino cinzwa iwe Joshua, muprista mukuru, iwe neshamŋari dzako dzigere pamberi pako; nokuti ʋarume aʋa ciratidzo; nokuti tarirai, ndicaʋuyisa muranda waŋgu, Ƌaʋi. 9 Nokuti tarirai ibge randakaisa pamberi paJoshua; pabge rimŋe panameso manomŋe; tarirai, ndicatema runyoro rwaro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicabvisa ɀakaipa ɀenyika iyo nezuʋa rimŋe. 10 Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — mucaɗana mumŋe nomumŋe wenyu shamŋari yake agare pasi pomuzambiriŋga napasi pomuʋonde. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society