Online Bible

- Reklamy -

Zekaria 13 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ʋanhu ʋaJehova ʋacanatswa ɀiʋi ɀaʋo.

1 Nezuʋa iro imba yaDavidi naʋagere Jerusarema ʋacadziʋurirwa tsime, rokusuka ɀiʋi netȿina.

2 Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicabvisa mazita eɀifananidzo panyika, arege kuzoraŋgarirwa; ndicaɓuɗisa ʋo ʋaprofita nemŋeya yetȿina panyika.

3 Ɀino kana aninani aciprofita, ɓaɓa ʋake namai ʋake, ʋakamuɓereka, ʋacati kwaari: Hauŋgararami, nokuti unoreʋa nhema nezita raJehova; ɓaɓa ʋake namai ʋake, ʋakamuɓereka, ʋacamubvoʋora kana aciprofita.

4 Ɀino nezuʋa iro ʋaprofita ʋacanyadziswa mumŋe nomumŋe necaanoʋona, kana aciprofita, haʋaŋgapfeki ŋguʋo yemvere ʋaciti tinonyeŋgera ʋanhu;

5 asi ucati: Handizi muprofita, ndiri murimi wevu; nokuti ndakaitwa muranda kubva paʋuɗuku bgaŋgu.

6 Kana mumŋe akati kwaari: Ko maʋaŋga awa ari pakati peɀanza ɀako ndeeiko? Ipapo ucapindura, aciti: Ndi’po pandakakuʋadzwa mumba meshamŋari dzaŋgu.

7 Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi waŋgu, ʋuye nomunhu shamŋari yaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; roʋa mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kuʋaɗuku.

8 Ɀino munyika yose — ndiɀo ɀinotaura Jehova — migoʋe miʋiri icaparadzwa ndokufa; asi wecitatu ucaregwa’mo.

9 Mugoʋe wecitatu ndicaupinza mumŋoto, ndicaʋanatsa seɀinonatswa sirveri, ndicaʋaidza seɀinoidzwa ndarama. Ʋacaɗana zita raŋgu, ini ndicaʋanzwa; ini ndicati: Ndiʋo ʋanhu ʋaŋgu, iʋo ʋacati: Jehova ndiMŋari waŋgu.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy