Zekaria 10 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Jehova ucaropafadza Juda naIsraeri. 1 Kumbirai kunaJehova mvura neŋguʋa yemvura yokupedzisira, kunaiye Jehova unoita mheni; iye ucaʋapa mvura inonaya kwaɀo, mumŋe nomumŋe aʋe neɀinomera mumunda. 2 Nokuti terafimi dzakataura ɀisinamaturo, ʋaʋuki ʋakaʋona nhema, ʋakaʋudza ʋanhu kurota kwenhema, ʋanoʋaraidza pasina; saka ʋanoɀiindira samakwai, ʋanotambudzika nokushaiwa mufudzi. 3 Kutsamŋa kwaŋgu kwakamukira ʋafudzi, ndicaroʋa nhoŋgo; nokuti Jehova wehondo wakashanyira ɓoka rake, iyo imba yaJuda, ucaʋaita sebiza rake rakanaka pakurwa. 4 Kwaari kucabva ibge rekona, kwaari mbambo, kwaari ʋuta bgehondo, kwaari ʋaɓati ʋose pamŋe cete. 5 Ʋacaʋa semhare dzinotsika ʋaʋeŋgi ʋadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; ʋacarwa nokuti Jehova unaʋo; ʋataȿi ʋamabiza ʋacanyadziswa. 6 Ndicasimbisa imba yaJuda, ndicaponesa imba yaJosefa, nokuʋadzosera ɀe, nokuti ndicaʋanzwira nyasha; ʋacaʋa saʋanhu ʋasina‐kurashwa neni; nokuti ndini Jehova Mŋari waʋo, ndicaʋanzwa. 7 ƲaEfraimi ʋacaʋa semhare, mŋoyo yaʋo icafara saʋanhu ʋakaɓatwa newaini; ɀirokwaɀo ʋana ʋaʋo ʋacaɀiʋona, ʋakafara; mŋoyo yaʋo icafara munaJehova. 8 Ndicaʋaridzira muridzo, ndiʋaʋuŋganidze; nokuti ndakaʋadzikinura; ʋacawanda seɀaʋaiwanda kare. 9 Ndicaʋakusha pakati pendudzi dzaʋanhu; ʋacandiraŋgarira kunyika dziri kure; ʋacararama pamŋe cete naʋana ʋaʋo, ʋakadzoka. 10 Ndicaʋadzosa ɀe panyika yeEgipita, ndicaʋaʋuŋganidza ndiciʋabvisa paAsiria; ndicaʋaȿitsa kunyika yeGireadi neRebanoni; ʋacashaiwa pokugara. 11 Ucafamba nomuguŋgwa rokutambudzika, ucaroʋa mafuŋgu muguŋgwa, pakadzika pose muNairi pacapxa; kuɀikudza kweAsiria kucaɗeredzwa, tȿimbo yoʋushe yeEgipita icabviswa. 12 Ndicaʋasimbisa munaJehova, ʋacafamba muzita raŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society