Ʋatoŋgi 4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Debora naBaraki. 1 Ɀino shure kwokufa kwaEhudi ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀe ɀakaipa pamberi paJehova. 2 Jehova akaʋateŋgesa muruʋoko rwaJabini, mambo weKanani, wakaŋga aciɓata ʋushe paHazori; mukuru wehondo yake wakaŋga ari Sisera, wakaŋga agere paHarosheti raʋahedeni. 3 Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakacema kunaJehova, nokuti wakaŋga aneŋgoro dzamatare dzinamazana mapfumbamŋe, akamanikidza ʋana ʋaIsraeri kwaɀo makore anamakumi maʋiri. 4 Neŋguʋa iyo Debora, muprofitakadzi, mukadzi waRapidoti, wakaŋga acitoŋga ʋaIsraeri. 5 Iye waigara pasi pomucindwe waDebora, pakati peRama neBeti‐eri, panyika yamakomo yaEfraimi; ʋana ʋaIsraeri ʋaisienda kwaari kuzotoŋgerwa mhaka dzaʋo. 6 Iye akatuma nhume kundoɗana Baraki, mŋanakomana waAbinoami, paKedeshi‐naftari, akati kwaari: Jehova Mŋari waʋaIsraeri haana‐kukuraira here, aciti: Enda usweɗere kugomo reTabori, uende naʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi ʋaʋana ʋaNaftari naʋana ʋaZeburuni? 7 Neni ndicatumira kwauri kurukoʋa Kishoni, Sisera mukuru wehondo yaJabini, neŋgoro dzake naʋanhu ʋake ʋazhinji, ndiʋaise muruʋoko rwako. 8 Baraki akati kwaari: Kana imi mukaenda neni, ini ndicaenda, asi kana imi musiŋgaendi neni, ini handiŋgaendi. 9 Iye akati: Ɀirokwaɀo ndicaenda newe, asi iwe hauŋgakudzwi parwendo urwu rwaunofamba, nokuti Jehova ucateŋgesa Sisera muruʋoko rwomukadzi. Debora akasimuka, akaenda Kedeshi naBaraki. 10 Baraki akakoka Zeburuni naNaftari paKedeshi, akakwira anaʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi ʋakaŋga ʋacimuteʋera; naDebora wakaenda ʋo naye. 11 Ɀino Heberi muKeni, wakaŋga aparadzana naʋaKeni, iʋo ʋana ʋaHobabi, mukarabga waMosesi, akadzika tente rake kuȿikira pamuouki paZaananimi, paKedeshi. 12 Ɀino ʋakaʋudza Sisera kuti Baraki, mŋanakomana waAbinoami, wakwira mugomo reTabori. 13 Sisera akaʋuŋganidza ŋgoro dzake dzose, idzo ŋgoro dzamatare, dzinamazana mapfumbamŋe, naʋanhu ʋose ʋaakaŋga anaʋo, kubva paHarosheti raʋahedeni kuȿikira parukoʋa Kishoni. 14 Ɀino Debora akati kunaBaraki: Simuka, nokuti iri ndiro zuʋa raJehova, raacaisa naro Sisera muruʋoko rwako; Jehova haana‐kukutuŋgamirira here? Ipapo Baraki akaɓuruka pagomo reTabori, ʋarume ʋaneɀuru ɀinegumi ʋacimuteʋera. 15 Ɀino Jehova akavundusa Sisera neŋgoro dzake dzose, nehondo yake yose, neminondo inopinza pamberi paBaraki; Sisera akaɓuruka paŋgoro yake, akatiza namakumbo. 16 Asi Baraki wakateʋera ŋgoro nehondo kuȿikira paHarosheti raʋahedeni, hondo yose yaSisera ikaʋurawa neminondo inopinza, hakuna‐kusara kunyaŋge nomumŋe cete. 17 Asi Sisera wakatiza namakumbo kutente raJaeri, mukadzi waHeberi, muKeni, nokuti kwakaŋga kunorugare pakati paJabini, mambo weHazori, neimba yaHeberi muKeni. 18 Jaeri akaɓuɗa kundosoŋgana naSisera, akati kwaari: Tsaukai, ishe waŋgu, tsaukirai henyu kwandiri, regai kutya. Ipapo akatsaukira kwaari mutente, akamufukidza nejira. 19 Iye akati kwaari: Ndipe ʋo ɀimvura, ndinwe, nokuti ndinenyota. Akadziʋura ɗende romukaka, akamupa, akanwa, akamufukidza. 20 Akati kwaari: Mira pamukoʋa wetente, ɀino kana aninani akaʋuya akakubvunza, aciti: Pano panomunhu here? Uti: Kwete. 21 Ipapo Jaeri, mukadzi waHeberi, akatora mbambo yetente, akatora ʋo nyundo paruʋoko rwake, akanatsosweɗera kwaari, akaroʋera mbambo napacaʋoʋo cake, ikaɓuɗa neseri, ikaɓayira pasi, nokuti wakaŋga aɓatwa kwaɀo nehope, aneta; akafa. 22 Ɀino tarira, Baraki wakati aciteʋera Sisera, Jaeri akaɓuɗa akandosoŋgana naye, akati kwaari: Ʋuyai, ndikuratidzei munhu wamunotȿaka. Iye akapinda kwaari, akaʋona Sisera akatandaʋara pasi, afa, mbambo iciri pacaʋoʋo cake. 23 Naiɀoɀo nomusi iwoyo Jehova wakakunda Jabini, mambo weKanani, pamberi paʋana ʋaIsraeri. 24 Ʋana ʋaIsraeri ʋakaramba ʋaciŋgokunda Jabini, mambo weKanani, kuȿikira ʋaparadza Jabini, mambo weKanani. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society