Ʋatoŋgi 21 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ʋana ʋaBenjamini ʋanotȿakirwa ɀe ʋakadzi. 1 Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋapika paMizpa, ʋaciti: Hakunomumŋe weɗu ucapa muBenjamini mukunda wake, kuti aʋe mukadzi wake. 2 Ʋanhu ʋakaȿika paBeti‐eri, ʋakagara’po pamberi paMŋari kuȿikira maɗekwana; ʋakacema kwaɀo. 3 Ʋakati: Jehova, Mŋari waIsraeri, cinhu ici cakaitirweiko pakati paIsraeri, kuti nhasi rumŋe rudzi rushaikwe pakati paIsraeri? 4 Ɀino fume maŋgwana ʋanhu ʋakamuka maŋgwanani, ʋakaʋaka’po artari, ʋakaʋuya neɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa. 5 Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakati: Ndianiko pakati pamarudzi ose aIsraeri ʋasinakukwira kuʋuŋgano yaJehova? Nokuti ʋakaŋga ʋapika nokupika kukuru pamsoro pomunhu usina‐kukwira kunaJehova paMizpa, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, unofanira kuʋurawa. 6 Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaɀiɗemba pamsoro paʋaBenjamini, hama dzaʋo, ʋakati: Nhasi rumŋe rudzi rwagurwa pakati paʋaIsraeri. 7 Ticaɗiniko kuti tiwanire ʋakasara ʋakadzi, ɀatakapika naJehova, kuti hatiŋgaʋapi ʋakunda ʋeɗu ʋaʋe ʋakadzi ʋaʋo? 8 Ʋakati: Ndianiko pamarudzi aIsraeri usina‐kukwira kunaJehova paMizpa? Ʋonei, kwakaŋga kusinomunhu wakabva Jabeshi‐gireadi wakakwira kumisasa kuʋuŋgano. 9 Nokuti ʋanhu ʋakati ʋaciʋereŋgwa, ʋonei kwakaŋga kusinomunhu waʋagere Jabeshi‐gireadi ipapo. 10 Ɀino ʋuŋgano ikatumira’ko ʋarume ʋoʋumhare kwaɀo ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, ʋakaʋaraira ʋaciti: Endai mundoʋuraya ʋagere Jabeshi‐gireadi neminondo inopinza, pamŋe cete naʋakadzi naʋana. 11 Munofanira kuita ʋo cinhu ici: Munofanira kuparadza cose ʋarume ʋose, nomukadzi mumŋe nomumŋe wakamboʋata nomurume. 12 Ɀino ʋakandowana kunaʋagere Jabeshi‐gireadi mhandara dzinamazana manna, ʋasina‐kumboʋata nomurume; ʋakaʋuya naʋo kumisasa paShiro munyika yeKanani. 13 Ɀino ʋuŋgano yose yakatuma nhume kundotaurirana naʋana ʋaBenjamini ʋakaŋga ʋari paɗombo reRimoni, ʋakaʋaparidzira rugare. 14 Neŋguʋa iyo ʋaBenjamini ʋakadzoka; ʋakaʋapa ʋakadzi ʋaʋakaŋga ʋaceŋgeta ʋari ʋapenyu paʋakadzi ʋeJabeshi‐gireadi; asi haʋana‐kuʋariŋgana. 15 Ʋanhu ʋakaɀiɗemba pamsoro paʋaBenjamini, nokuti Jehova wakaŋga aparadza ʋamŋe pakati pamarudzi aʋaIsraeri. 16 Ipapo ʋakuru ʋeʋuŋgano ʋakati: Ticaɗiniko kuti tiwanire ʋakasara ʋakadzi, ʋakadzi ɀaʋaparadzwa pakati paʋaBenjamini? 17 Ʋakati: ƲaBenjamini ʋakapukunyuka ʋanofanira kuʋa nenhaka yaʋo, kuti rudzi rumŋe rurege kuroʋa pakati paʋaIsraeri. 18 Asi hatiŋgaʋapi ʋakunda ʋeɗu, ʋaʋe ʋakadzi ʋaʋo; nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋapika, ʋaciti: Munhu unopa ʋaBenjamini mukadzi ŋgaatukwe. 19 Ʋakati: Gore rimŋe nerimŋe kunomutambo waJehova paShiro, kurutiʋi rwokumsoro kweBeti‐eri, kumabvazuʋa enzira huru inobva Beti‐eri icikwira Shekemi, nezasi kweRebona. 20 Ʋakaraira ʋana ʋaBenjamini, ʋaciti: Endai, mundoʋandira muminda yemizambiriŋga; 21 mutarire, muʋone kana ʋakunda ʋeShiro ʋaciɓuɗa kuzotamba; ɀino muɓuɗe paminda yenyu yemizambiriŋga, murume mumŋe nomumŋe agoɀitorera mukadzi pakati paʋakunda ʋeShiro, muende kunyika yaʋaBenjamini. 22 Ɀino kana madziɓaɓa aʋo kana hama dzaʋo ʋaciʋuya kuzoʋakwirira kwatiri, isu ticati kwaʋari: Citipai henyu iʋaʋo ɀakanaka, nokuti hatina‐kuʋatapira ʋose ʋakadzi pakurwa; nemi ʋo hamunakuʋapa iʋo, muŋgaɗai munemhoȿa. 23 Ʋana ʋaBenjamini ʋakaita saiɀoɀo, ʋakaɀitorera ʋakadzi kunaʋakaŋga ʋacitamba, ʋakaʋariŋgana; ʋakaenda naʋo; ʋakabva ndokudzokera kunhaka yaʋo, ʋakaʋaka maguta, ndokugara mukati mawo. 24 Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakabva’po neŋguʋa iyo, murume mumŋe nomumŋe kurudzi rwake nokumhuri yake; ʋakaɓuɗa’po murume mumŋe nomumŋe akaenda kunhaka yake. 25 Namazuʋa iwayo kwakaŋga kusinamambo pakati paIsraeri; murume mumŋe nomumŋe waiita seɀaakafuŋga kuti ndiɀo ɀakanaka. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society