Online Bible

- Reklamy -

Ʋatoŋgi 13 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kuɓerekwa kwaSamsoni.

1 Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀe ɀakaipa pamberi paJehova, Jehova akaʋaisa mumaʋoko aʋaFiristia makore anamakumi manna.

2 Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume weZora, weimba yaDani, wainzi Manoa; mukadzi wake wakaŋga asinomŋanakomana, asiŋgaɓereki.

3 Mutumŋa waJehova akaɀiratidza kumukadzi uyu, akati kwaari: Tarira ɀino, iwe hauɓereki, haunomŋana; asi ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana.

4 Naiɀoɀo ɀino cicenjera hako kuti urege kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, kana kudya cinhu cisina‐kunaka;

5 nokuti tarira, ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana; musoro wake haufaniri kuʋeʋurwa neciȿo, nokuti mŋana uyu unofanira kuʋa muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋake; iye ucataŋga kuponesa Israeri pamaʋoko aʋaFiristia.

6 Ɀino mukadzi akandoʋudza murume wake, akati: Munhu waMŋari wakaʋuya kwandiri, ciso cake cakaŋga cakafanana neciso comutumŋa waMŋari, caityisa kwaɀo; handina‐kumubvunza kuti unobvepi, ʋuye iye haana‐kundiʋudza zita rake;

7 asi wakati kwandiri: Tarira, ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana; ɀino cirega kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, usadya cinhu cisina‐kunaka, nokuti mŋana uyu ucaʋa muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋake kuȿikira pazuʋa rokufa kwake.

8 Ipapo Manoa akakumbira kunaJehova, akati: Jehova, ndinokumbira kuti munhu waMŋari wamakatuma, aʋuye ɀe kwatiri, atidzidzise ɀatinofanira kuitira mŋana ucazoɀarwa.

9 Jehova akanzwa inzwi raManoa; mutumŋa waMŋari akaʋuya ɀe kumukadzi agere pamunda; asi Manoa, murume wake, wakaŋga asi’ko kwaari.

10 Mukadzi akakurumidza, akamhanya, akandoʋudza murume wake, akati kwaari: Tarira, murume uya waɀiratidza ɀe kwandiri, iye wakaɗeya kuʋuya kwandiri musi uya.

11 Manoa akasimuka, akateʋera mukadz, wake akaȿika kumurume, akati kwaari: Ndiwe murume wakataura nomukadzi here? Iye akati: Ndini.

12 Manoa akati: Ɀino kana mashoko enyu aciŋge aitika, tsika dzomŋana dzinofanira kuʋa dzipi, neɓasa rake rinofanira kuʋa reiko?

13 Mutumŋa waJehova akati kunaManoa: Mukadzi ŋgaacenjere pamsoro peɀose ɀandakamuʋudza.

14 Haafaniri kudya cinhu cipi necipi cinobva pamuti womuzambiriŋga; haafaniri kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, kana kudya cinhu cisina‐kunaka; ŋgaaceŋgete ɀose ɀandakamuraira.

15 Manoa akati kumutumŋa waJehova: Titenderei henyu tikunonosei, tikugadzirirei mbudzana.

16 Mutumŋa waJehova akati kunaManoa: Kunyaŋge ukandinonosa, handiŋgadyi ciŋgwa cako; kana ukaɗa kugadzira cipiriso cinopiswa, unofanira kucipa Jehova. Nokuti Manoa wakaŋga asiŋgaziʋi kuti mutumŋa waJehova.

17 Manoa akati kumutumŋa waJehova: Zita renyu ndianiko? Kuti tiziʋe kukukudzai kana mashoko enyu acizoitika?

18 Mutumŋa waJehova akati kwaari: Unondibvunzireiko zita raŋgu, ɀarinoshamisa?

19 Ipapo Manoa akatora mbudzana pamŋe cete necipiriso ceɀokudya, akaɀiɓayira Jehova paɗombo; mutumŋa akaita cinhu cinoshamisa, Manoa nomukadzi wake ʋakataririra.

20 Nokuti muraɀo womŋoto wakati ucikwira kuɗeŋga ucibva paartari, mutumŋa waJehova ndokukwira mumuraɀo weartari, Manoa nomukadzi wake ʋakataririra; ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo.

21 Asi mutumŋa waJehova haana‐kuzoɀiratidza ɀe kunaManoa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manoa akaziʋa kuti mutumŋa waJehova.

22 Ɀino Manoa akati kumukadzi wake: Ticafa ɀirokwaɀo, nokuti takaʋona Mŋari.

23 Asi mukadzi wake wakati kwaari: Ƌai Jehova aiɗa kutiʋuraya, uŋgaɗai asina‐kugamucira cipiriso cinopiswa necipiriso ceɀokudya pamaʋoko eɗu; uŋgaɗai asina‐kutiratidza ɀinhu iɀi ɀose, kana kutiʋudza mashoko akaɗai paŋguʋa ino.

24 Ɀino mukadzi akapona mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samsoni; mŋana akakura, Jehova akamuropafadza.

25 Mŋeya waJehova akataŋga kumumutsa paMahane‐dani, pakati peZora neEshtaori.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy