Online Bible

- Reklamy -

Ʋatoŋgi 12 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


ƲaEfraimi ʋanopopotera Jefta.

1 Ɀino ʋarume ʋaEfraimi ʋakaʋuŋgana, ʋakapfuʋurira kurutiʋi rwokumsoro, ʋakati kunaJefta: Wakapfuʋurireiko kundorwa naʋana ʋaAmoni, ukasatiɗana isu kuti tiende ʋo newe? Ticapisa imba yako pamsoro pako nomŋoto.

2 Jefta akati kwaʋari: Ini naʋanhu ʋaŋgu takaŋga ticitambudzika kwaɀo naʋana ʋaAmoni; ɀino paŋguʋa yandakakuɗanai, imi hamuna‐kundiponesa pamaʋoko aʋo.

3 Ɀino ndakati ndiciʋona kuti hamuna‐kundiponesa, handina‐kuraŋgarira ʋupenyu bgaŋgu, asi ndakapfuʋura ndikandorwa naʋana ʋaAmoni, Jehova akaʋaisa muruʋoko rwaŋgu; ɀino makwirireiko nhasi kwandiri kuzorwa neni?

4 Ipapo Jefta akaʋuŋganidza ʋarume ʋose ʋeGireadi, akarwa naEfraimi, ʋarume ʋeGireadi ʋakakunda Efraimi, nokuti ʋakati: Muri ʋanhu ʋakatiza kunaEfraimi, imi ʋaGireadi, mucigara pakati paEfraimi, napakati paManase.

5 Ipapo ʋaGireadi ʋakandogarira mazambuko aJoridani paiyambukira ʋaEfraimi. Ɀino kana mumŋe waʋakatiza kunaEfraimi akati: Nditenderei kuti ndiyambuke, ʋarume ʋeGireadi ndokuti kwaari: Uri muEfraimi here? Kana akati, kwete,

6 ipapo ʋakati kwaari: Ɀino citi: Shiboreti; iye ndokuti: Siboreti, nokusagona kureʋa kwaɀo; ipapo ʋakamuɓata, ʋakamuʋuraya pamazambuko aJoridani; neŋguʋa iyo ʋaEfraimi ʋaneɀuru ɀinamakumi manna neɀiʋiri ʋakaʋurawa.

7 Jefta akatoŋga Israeri makore matanhatu. Ipapo Jefta muGireadi akafa, akaʋigwa munerimŋe ramaguta aGireadi.


Ibzani, naEroni, naAbdoni.

8 Shure kwake Ibzani weBeti‐rehemi wakatoŋga Israeri.

9 Iye wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi matatu; ʋanasikana ʋake ʋanamakumi matatu akaʋatuma ʋakandowanikwa kumŋe, akandotora ɀe kumŋe ʋamŋe ʋanasikana ʋanamakumi matatu ʋakawanikwa naʋanakomana ʋake. Iye akatoŋga Israeri makore manomŋe.

10 Ibzani akafa, akaʋigwa paBeti‐rehemi.

11 Shure kwake Eroni muZeburuni wakatoŋga Israeri; akatoŋga Israeri makore anegumi.

12 Eroni muZeburuni akafa, akaʋigwa paAjaroni, panyika yaZeburuni.

13 Shure kwake Abdoni mŋanakomana waHireri, muPiratoni, wakatoŋga Israeri.

14 Iye wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi manna, naʋazukuru ʋanamakumi matatu, ʋaitaȿa ʋana ʋembongoro ʋanamakumi manomŋe; iye akatoŋga Israeri makore masere.

15 Abdoni mŋanakomana waHireri, muPiratoni, akafa, akaʋigwa paPiratoni, panyika yaEfraimi, panyika yamakomo yaʋaAmareki.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy