Online Bible

- Reklamy -

ƲaRoma 12 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kuɀipa kunaMŋari.

1 Naiɀoɀo ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, netsitsi dzaMŋari, kuti muise miʋiri yenyu, ciʋe ciɓayiro cipenyu, citȿene, cinofadza Mŋari, ndiko kunamata kwenyu kwomŋoyo.

2 Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe muraŋgariro wenyu uciʋandudzwa, kuti muidze muziʋe kuɗa kwaMŋari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.


Ɀipo ɀaMŋari, noRuɗo kunaʋamŋe.

3 Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinoʋudza mumŋe nomumŋe uri pakati penyu, kuti arege kuɀifuŋga mukuru kupfuʋura paanofanira kufuŋga napo; asi afuŋge nokufuŋga kwakacenjera, mumŋe nomumŋe neciyero cokutenda, seɀaakagoʋerwa naMŋari.

4 Nokuti seɀatinemitezo mizhinji pamuʋiri mumŋe, asi mitezo yose haineɓasa rimŋe cete;

5 saiɀoɀo isu, tiri ʋazhinji, tiri muʋiri mumŋe cete munaKristu, mumŋe nomumŋe ari mutezo waʋamŋe.

6 Tineɀipo ɀakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuprofita, ŋgatiprofite ɀakaenzana nokutenda kweɗu;

7 kana kuri kushumira, ŋgaɀiʋonekwe pakushumira kweɗu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kweɗu;

8 kana kuri kuraira, pakuraira kweɗu; unopa, ŋgaape nomŋoyo wose; uri mukuru, ŋgaaɓate nokushiŋgaira; unoitira ŋgoni, ŋgaaite nomufaro.

9 Ruɗo ŋgarurege kuʋa nokunyeŋgera. Ʋeŋgai ɀakaipa; namatirai ɀakanaka.

10 Kana ruri ruɗo pakati paʋatendi, ɗanai noruɗo rukuru; pakukudzana tuŋgamiriranai.

11 Regai kuʋa noʋusimbe pakushiŋgaira; pisai pamŋeya; ɓatirai Ishe;

12 farai patariro; tsuŋgirirai pakutambudzika; rambai mucinyeŋgetera;

13 goʋanai naʋatȿene pakushaiwa kwaʋo; itirai ʋaeni ruɗo.

14 Ropafadzai ʋanokutambudzai; ropafadzai, musatuka.

15 Farai naʋanofara; cemai naʋanocema.

16 Iʋai nomŋoyo mumŋe pakati penyu. Musatȿaka ɀinorumbidzwa, asi mufambidzane naʋanoɀininipisa. Musati pamŋoyo yenyu makacenjera.

17 Musatsiʋa munhu cakaipa kana akuitirai cakaipa. Tȿakai ɀakarurama pamberi paʋanhu ʋose.

18 Kana ɀicibvira, pamunogona napo, iʋai norugare naʋanhu ʋose.

19 Musatsiʋa, ʋaɗikanwa, asi mudziʋurire kutsamŋa; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Kutsiʋa ndokwaŋgu, ini ndicaripira — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe.

20 Asi kana muʋeŋgi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uciita iɀoɀo, ucatutira mazimbe omŋoto pamusoro wake.

21 Usakundwa neɀakaipa, asi ukunde ɀakaipa neɀakanaka.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy