Online Bible

- Reklamy -

ƲaKorose 4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

1 Madzishe, itirai ʋaranda ʋenyu ɀakarurama, ɀakariŋgana; muziʋe kuti nemi ʋo munaShe kuɗeŋga.


Nyeŋgeterai, mucenjere pamufambire wenyu namashoko enyu.

2 Tsuŋgirirai pakunyeŋgetera, murinde pakuri nokuʋoŋga;

3 mutinyeŋgeterere nesu ʋo kamŋe, kuti Mŋari atizarurire mukoʋa weshoko, titaure cakaʋanzika caKristu, candakasuŋgirwa ico;

4 kuti ndiciratidze, seɀandinofanira kutaura.

5 Fambai nokucenjera kunaʋari kunze, muciŋgwarira ŋguʋa yenyu.

6 Kutaura kwenyu ŋgakuʋe nenyasha ŋguʋa dzose, kwakaruŋgwa nomunyu, kuti muziʋe kupindura mumŋe nomumŋe seɀamunofanira kuita.


Unotuma Tikiko naOnesimo.

7 Mucaziʋiswa ɀaŋgu ɀose naTikiko, hama inoɗikanwa, mushumiri wakatendeka, nomuranda pamŋe cete neni munaShe.

8 Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muziʋe ɀeɗu, anyaradze mŋoyo yenyu;

9 pamŋe cete naOnesimo, hama yakatendeka, inoɗikanwa, mumŋe wokwenyu. Iʋo ʋacakuziʋisai ɀose ɀapano.


Kuwonekana.

10 Aristarko, musuŋgwa pamŋe cete neni, unokukwazisai, naMarko, hama yaBarnabasi, (makarairwa pamsoro pake; kana aciȿika, mumugamucirei);

11 naJesu, unonzi Justo, ʋari ʋokudziŋgiswa; ndiʋaʋa ɓedzi ʋanoɓata neni paʋushe bgaMŋari, iʋo ʋakandinyaradza.

12 Epafrasi, mumŋe wokwenyu, muranda waKristu Jesu, unokukwazisai, acirwa ŋguʋa dzose pakunyeŋgetera nokuɗa kwenyu, kuti mumire makakwana, muciziʋa kwaɀo kuɗa kwose kwaMŋari.

13 Nokuti ndinomupupurira, kuti unotambudzika ɀikuru nokuɗa kwenyu, naʋeRaodikia, naʋeHirapori.

14 Ruka, ŋaŋga inoɗikanwa, naDemasi, ʋanokukwazisai.

15 Ndikwazisirei hama dziri Raodikia, naNimfa, nekereke iri mumba maʋo.

16 Kana ŋwadi iyi yarabga pakati penyu, ŋgairabge ʋo mukereke yaʋaRaodikia; imi ʋo muraʋe ŋwadi inobva Raodikia.

17 Ʋudzai Arkipo, muti: Tarira ɓasa rawakapiwa naShe, kuti uripedzise kwaɀo.

18 Ndiko kukwazisa kwaŋgu, ini Pauro, noruʋoko rwaŋgu. Raŋgarirai kusuŋgwa kwaŋgu. Nyasha ŋgadziʋe nemi.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy