ƲaHeberu 8 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Suŋgano yekare yapfuʋura, Kristu ndiye mureʋereri wesuŋgano itȿa. 1 Ɀino, shoko guru panaiɀoɀo ɀatataura, ndiro kuti: Tinomuprista mukuru wakaɗai wakagara kurudyi rwecigaro coʋushe coƲumambo kuɗeŋga; 2 iye mushumiri weɀinhu ɀitȿene, nowetabernakeri caiyo, yakamiswa naShe, isina‐kumiswa nomunhu. 3 Nokuti muprista mukuru mumŋe nomumŋe wakagadzwa, kuti aɓayire Mŋari ɀipo neɀiɓayiro; naiɀoɀo naiye waifanira kuti aʋe necaaŋgaɓayira ʋo; 4 nokuti ɗai aiʋa panyika, uŋgaɗai asina‐kuʋa muprista, nokuti ʋaprista ʋari’po, ʋanoɓayira Mŋari ɀipo seɀinorebga nomurairo; 5 iʋo ʋanoshumira mufananidzo nomumvuri weɀokuɗeŋga, seɀaakarairwa iye Mosesi oɗa kuita tabernakeri; nokuti wakati: Tarira, uite ɀose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo. 6 Asi ɀino wakapiwa ɓasa rakanyanya kunaka, seɀaari Mureʋereri wesuŋgano inopfuʋura nokunaka, yakasimbiswa neɀipikirwa ɀinopfuʋura nokunaka. 7 Nokuti ɗai iya yokutaŋga yakaŋga isina‐caiŋgapomerwa, yecipiri iŋgaɗai isina‐kutȿakirwa nɀimbo. 8 Nokuti unoʋapa mhoȿa, aciti: Tarirai, mazuʋa anoʋuya, ndiɀo ɀinotaura Ishe, Andicaita nawo suŋgano itȿa neimba yaIsraeri, ʋuye neimba yaJuda; 9 Isina‐kuita sesuŋgano yandakaita namadziɓaɓa aʋo, Pazuʋa randakaɓata ruʋoko rwaʋo, kuti ndiʋaɓuɗise munyika yeEgipita; Nokuti haʋana‐kurambira musuŋgano yaŋgu, Neni ndikasaʋa nehanya naʋo, ndiɀo ɀinotaura Ishe. 10 Nokuti ndiyo suŋgano yandicaita neimba yaIsraeri Kana mazuʋa iwayo apfuʋura, ndiɀo ɀinotaura Ishe; Ndicaisa mirairo yaŋgu pakufuŋga kwaʋo, Napamŋoyo yaʋo ndicainyora, Ndicaʋa Mŋari waʋo, Iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu; 11 Mumŋe nomumŋe haaŋgazodzidzisi wokwake, Kana mumŋe nomumŋe hama yake, aciti: Ziʋa Ishe; Nokuti ʋose ʋacandiziʋa, Kubva kumuɗuku kuȿikira kumukuru pakati paʋo. 12 Nokuti ndicaʋa neŋgoni nokusarurama kwaʋo, Neɀiʋi ɀaʋo handicazoɀiraŋgariri. 13 Ɀaanoti: Suŋgano itȿa, wakasakadza yokutaŋga; ɀino cinhu cosakara, coʋa cakare, coɗa kuroʋa. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society